Accessibility links

Breaking News

VeMabhizimusi neNyanzvi Mune zveHupfumi Voti Pachiri Papfupi Kuona Shanduko Yakaunzwa neMutemo Unobvumidza Kupinzwa kweZvinhu Kubva Kunze.


Mitengo yezvinhu zvekudya munyika inonzi iri kuramba ichikwira kunyange hazvo hurumende yakabvumidza vane mari dzavo kupinza zvekudya munyika.
Mitengo yezvinhu zvekudya munyika inonzi iri kuramba ichikwira kunyange hazvo hurumende yakabvumidza vane mari dzavo kupinza zvekudya munyika.

Masvondo maiviri adarika hurumende yakabvumidza vane mari dzavo dzekunze kutenga zvekudya nezvekushandisa mudzimba kubva kunze kwenyika vachipinza munyika vasingabhadhare mutero kwemedzi mitanhatu.

Hurumende inoti yakatora danho iri senzira yekuedza kudzikamisa mitengo yezvinhu, iyo inoti yanga ichiramba ichiita chamurambamhuru kukwira.

Ko pati pave neshanduko here yati yave kuoneka kuti mitengo yadzikama?

Mutungamiri wesangano revezvitoro, reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vanoti pachiri papfupi kuti paonekwe shanduko inobatika munyaya dzekudzikama kwemitengo yezvinhu.

Asi VaMutashu vanoti vezvitoro zvidiki pamwe nevanhuwo zvavo ndivo vari kunyanya kutora mukana uyu kupinza zvinhu zvakasiyanasiyana munyika zviri kubvumidzwa pasi pemutemo uyu.

Mashoko aVaMutashu ekuti pachiri papfupi anotsinhirwa neimwe nyanzvi mune zvehupfumi, VaLuxon Zembe, avo vanoti zvinotora nguva kuti vanhu vaunganidze mari dzekunze dzinodiwa.

VaZembe vanotiwo zvinogona kutora nguva ingadarika mwedzi kuti pazoonekwa shanduko yemitengo yezvinhu. Asi VaZembe vanoti nekuda kwekuramba inflation ichikwira, mitengo yezvinhu iri kurambawo ichikwira, izvo zvinogona kuzotadzisa kudzikamiswa kwemitengo kuri kutarisirwa.

Izvi zvinotsinhirwa zvakare neimwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera.

Asi imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, shanduko yave kungoonekwa chete pari zvino ndeyekuwanda kwezvinhu zvinobva kunze izvo vanoti zvasara pamusika mutema.

Saka matambudziko aya angagadziriswa sei? VaZembe vanoti kuti zvinhu izvi zvigadzirisike munyika hurumende inofanirwa kusiyana netsika yayo yekuita “zano ndega,” yoita muonera pamwe chuma chemuzukuru nevamwe.

Hurumende yakabvumidza vane mari dzavo kutenga kunze zvinhu zvinosanganisira mupunga, flour, mafuta ekubikisa, majarini, sauti, shuga, upfu, mukaka weupfu, masamba, mafuta ekuzora, sipo yekugezesa, mushonga wekugezesa mazino nesipo yekuwachisa.

Asi dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi pamwe nevemabhizimusi vanoti danho rehurumende iri rinogona kukanganisa vemakambani vanogadzira zvinhu izvi munyika sezvo vachizoshayiswa vanotenga zvigadzirwa zvavo kana misika yazara zvekunze kwenyika.

Hurumende inoti danho rekubvumidza kupinzwa kwezvinhu munyika rakanangana nekuzadzisa chibvumirano chainove nhengo che frica Continental Free Trade Area (AfCFTA), icho chinobvumidza kutengeserana kwakasununguka kwenyika dzemu Africa.

Inflation iri kuramba ichikwira, uye mitengo yedhora rekuAmerica pamusika mutema iri kuramba ichikwirawo.

Pamusika wemari yekunze webhanga guru renyika weReserve Bank of Zimbabwe, dhora rekuAmerica ranga richitengwa nemadhora emunyika mazana matatu nemasere kana kuti US$1.00 is to ZWD$308.00.

Pmusika mutema dhora rekuAmerica ranga richitengwa nemadhora emunyika mazana mana nemakumi masere, kana kuti US$1.00 is to ZWD$480.00.

Vamwe vanoongorora zvehupfumi hwenyika vanoti kunze kwekunge inflation yadzikamiswa, mitengo yezvinhu icharamba ichikwira kunyange hazvo hurumende iri kutora matanho ekuedza kugadzirisa zvinhu.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG