Accessibility links

Breaking News

Madzimai Ofamba Makiromita Makumi Matanhatu (60km) Kunosungunuka kuChiredzi


Madzimai erudzi rwechiChangani kuChambuta mudunhu reChiredzi ari kuchema-chema kuti anofamba nzendo refu dzinosvika makiromita makumi matanhatu kuenda kuchipatara kunobatsirwa kana vachida kusungunuka vana.

Asi vamwe vavo vanonzi vanopedzisira vasungunukira mudzimba sezvo chipatara chiri paChikombedzi Growth Point chiri kure.

Vamwe vakaita saAmai Hlekile Shalati vekuChambuta vanoti nekuda kwekureba kwemufambo madzimai mazhinji anopedzisira obatsirwa munzira kana mudzimba dzavo uye vakakurudzira hurumende kuti ivavakire chipatara munzvimbo mavo.

Madzimai ataura neStudio 7 anoti nzimbo yavo iyi ine verudzi rushoma rweChichangani yakasarira kumashure zvekuti hakuna kumbovakwa chipatara kubva nyika ichiwana kuzvitonga kuzere muna 1980.

Chipatara cheChikombedzi ndecheFree Methodist Church. Sezvo kuchipatara kuri kure vanhu vanotsvaga motokari asi nekuipa kwemigwagwa vanhu vanogumisira vafamba netsoka kana kuenda nezvikochikari zvemombe nemadhongi.

IAmai Mujayijayi Gonakudzingwa, vanoti kunze kwekusungunukira munzira mamwe madzimai anopedzisira ave kurwara nemusana pamwe nekuzvimba makumbo nekufamba nzendo refu vachienda kuchipatara.

Sangano rinorwira kodzero dzevagari vemumaruwa reCommunity Tolerance, Reconciliation and Development kana kuti COTRAD rati hurumende iri kutyora kodzero dzehutano dzevanhu verudzi rwechiChingani.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muCOTRAD, VaZivanai Muzorodzi vati munhu wese ane kodzero yekuti awane chipatara asina kufamba rwendo runopfuura makiromita gumi nekudaro hurumende irinofanira kugadzirisa dambudziko iri.

Hatina kukwanisa kunzwa divi ramudzviti wedunhu reChiredzi VaLovemere Chisema, sezvo nhare yavo yanga yakadzima.

Asi munyori mukuru muhofisi yegurukota redunhu reMasvingo, VaJefter Sakupwanya vati hurumende ine zvirongwa zvekuvakira vanhu zvipatara mudunhu rese Masvingo pasi pechirongwa chekuendesa masimba Devolution.

Vaenderera mberi vachiti panyaya dzebudiriro nekodzero dzevanhu hurumende haisarudzi inongoita mabasa ayo zvakaringana.

Izvi zvatsinhirwawo nenhengo yeparamende muChiredzi South, VaKillian Gwanetsa vebato reZanu PF vati hurumende iri kuvaka makirinika mumawadhi ega ega kugadzirisa dambudziko iri.

Vagari vekuChiredzi munzvimbo dzakaita seChambuta, Boli, Muhlanguleni, Mupapa neMalipati havana zvipatara zvinoita kuti vafambe makiromita akawanda kuenda kuChikombedzi kana kudhorobha reChiredzi.

Vanoti munguva yekunaya havakwanisi kuenda kuzvipatara sezvo nzizi dzakaita seChilonga dzisingayambukiki nekuti mazambuko akatorwa nemvura yemafashamu eCyclone Eline mugore ra2000 haana kugadzirwa.

Vagari vane dambudziko remvura sezvo nzvimbo iyi isina zvibhorani zvakawanda uye hakunayi mvura yakawanda.

Nyaya Ina Godfrey Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG