Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Oferefeta Nyaya yaMuzvare Ali veCCC Vanonzi Vakatsakatika.


Assistant Commissioner Paul Nyathi -Police
Assistant Commissioner Paul Nyathi -Police

Mapurisa anoti ongororo yavaita kusvika parizvino inoratidza kuti nhengo yeCitizens Coalition for Change iri kunzi yakatsakatika Muzvare Moreblessing Ali vainge yanetsana nemumwe wavaidanana naye VaPius Jamba.

Mumashoko kuvatori venhau, mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vati Muzvare Moreblessing neshamwari yavo Muzvare Karina Mayironi vakaenda kunomwa doro paChibhanguza Shopping Centre nemusi wa 24 Chivabvu.

Muzvare Moreblessing vainge vaine imbwa yavo. Pavainwa doro VaJamba ndipo pavanonzi vakatanga kuti vainge vasiri kufara nezvaiitwa nembwa iyi zvakapa kuti vade kuirova nerekeni asi vakapotsa ndokurova Muzvare Karina avo vakamhanya vachipinda mubhawa.

Muzvare Moreblessing vanonzi vakasara vachinetsana naVaJamba vachibva vadhonzerwa murima uye havana kuzoonekwa kubva musi uyu.

Vamwe mubato reCCC vange vachiti Muzvare Moreblessing vakapambwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF. Kanzura weCCC kuChitungwiza VaMusa Makweza vanoti vari kushushikana nenyaya iyi.

Hurukuro naVaMusa Makweza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutauriri webato reZanu-PF VaChris Mutsvangwa vati vebato reCCC vanofanira kuenda kunomhan’ara kumapurisa kana vachifunga kuti patyorwa mutemo.

Hurukuro naVaChris Mutsvangwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG