Vamwe vagari vemuHarare vaendesa gurukota rinoona nezvematunhu VaJuly Moyo nekanzuru yavo kudare repamusoro nenyaya yekutadza kutakura marara.
Vagari ava vanogara kuHighfield neMabvuku vachimiririrwa negweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights VaPaidamoyo Saurombe.
Vagari ava vanoti Amai Juliet Chatambudza, VaSoul Gurudza naAmai Spiwe Guwa. Vanoti sevagari vari kubhadhara mari dzemitero asi marara haasi kutakurwa. Nyaya iri kuuya apo kanzuru iri kunetsana nekambani inonzi Geogenix BV.
Vamwe varidzi vekambani yeGeogenix B.V, vanonzi mwana wemutungamiri wenyika VaCollins Mnangagwa neshamwari yavo VaDelish Nguwaya.
Tayedza kubata vaviri ava asi vange vasingadaire nharembozha dzavo. NeMuvhuro, gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vakashanyira nzvimbo yePomona vakati vari kufara nezvakaitwa nekanzuru yeHarare kupa kambani yeGeogenix B.V.
Amai Mutsvangwa vakaenda kuPomona nevainge vakafanobata chigaro chameya pakanyoreranwa chibvumirano ichi vari nhengo yeMDC-T VaStewart Mtizwa.
Asi meya weHarare VaJacob Mafume vati havasi kufara nechibvumirano chakaitwa nekanzuru nekambani yeGeogenix B.V vachiti pakaitwa zvehuori.
Facebook Forum