Accessibility links

Breaking News

Mauto, Vasori neMapurisa Voshandiswa Kumanikidza Varimi Kuti Vaendese Chibage kuGMB


Varimi vakawanda munyika vari kuchema chema nedanho rehurumende rekuti mauto, vasori nemapurisa pasi peJoint Operation Command vaone kuti vamanikidzwa kutengesa chibage kuGrain Marketing Board.

Vakuru muhurumende vaudza Studio 7 kuti izvi zviri kuitwa sezvo zviri kutyirwa kuti kushaikwa kwehupfu kunogona kukonzera kusagadzikana munyika.

Mutsamba yakanyorwa nemunyori mukuru mubazi rezvekurima Doctor John Basera kuGMB iri mumaoko eStudio 7, pachibage matani zviuru makumi matatu zvakohwewa kana kuti 30, 000 metric tonnes, matani zviuru zvishanu kana kuti 5000 metric tonnes chete ndizvo zvaendeswa kuGMB. Patabata VaBhasera vati tivatumire mibvunzo asi vange vasati vapindura.

Hurumende yakadzika mutemo wechimbi chimbi weStatutory Instrument 145/19 kumanikidza varimi kutengesa chibage kuGMB kana paita goho shoma

Mapurisa, mauto nevasori vari kunzi mutsamba iyi vaende kumapurazi vachiona kuti varimi havasi kuviga chibage here kana kutengesa pamukoto. Vanonziwo vaite maroad blocks kuona kuti hapana vari kutakura chibage zvisina mvumo yeGMB here.

Asi nhengo yeparamende yakazvimirira vachimirira Norton vari murimi vaTemba Mliswa vashora zvikuru zviri kuda kuitwa nehurumende izvi. Vaudza Studio 7 kuti varimi vanoda kupihwa mari inoendererana nemari yavakashandisa pakurima. Vati zvekurimisa zvakaita sembeu nefotereza zvinotengwa nemadhora ekuAmerica.

Hurukuro naVaTemba Mliswa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sachigaro weGrain Millers Association of Zimbabwe VaTafadzwa Musarara vakaudzawo Studio 7 kuti vainge vatenga chibage chinosvika matani zviuru mazana mana kana kuti 400, 000 metric tonnes kubva kuZambia neMalawi. Varimi vakawanda vari kuZambia vakatorerwa mapurazi muZimbabwe..

Kuyedza kugadzirisa nyaya yenzara, hurumende iri kuitawo misangano nebazi reUnited Nations reWorld Food Programme kuti ipihwe chikafu sezvo zvinhu zvakaita manyama amire nerongo. Munyori mubazi rezvemagariro evanhu VaSimona Masanga vanoti misangno iyi iri kuenderera mberi.

WFP inoti kubva mwedzi uno kusvika muna Gumiguru, Zimbabwe inoda mari inosvika mamiriyoni makumi mashanu nematatu kana kuti US$53 million kubatsira vanhu mamiriyoni mashanu nezviuru mazana matatu kana kuti 5,3 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG