Accessibility links

Breaking News

Sangano reMagweta reZLHR Rinobatsira kuNunura Vanhu Vaive muMatare eDzimhosva


zlhr
zlhr

Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Huan Rights, rakazivisa nezuro kuti rakakwanisa kuburitsa muhusungwa murume wekuChipinge, VaTawanda Muzanya, avo vakanga vapedza mazuva maviri vari muhusungwa vachipomerwa mhosva yekutuka mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

VaMuzanya vanonzi vakati mutungamiri wenyika vanoita zvehuwori uye vauraya nyika.

VaMuzanya, avo vari kumirirwa naMuzvare Peggy Tavagadza, vakanzi vabvise mari yechibatiso inoita madhora emunyika zviuru zvishanu uye vange vachizvitaridza kumapurisa epa Chisumbanje Police Station kamwechete mushure memasvondo maviri oga oga.

Sangano iri rinoti magweta aro ari kumirirawo madzimai matatu anoti Benevolence Taguta naTracy Mutiwekuziva vesangano re TIZim pamwe naLisa Mataka wesangano reShamwari yeMwanasikana, avo varinoti vakasungwa kuChitungwiza neChina vachipomerwa mhosva yekuita musangano vasina mvumo yemapurisa.

Vatatu ava vainzi vakaendeswa kukamba yemapurisa yeHarare Central Police Station kudivi reLaw and Order, uye hatina kukwanisa kunzwa kuti vachamiswa mudare riinhi.

KuChinhoyi, Zimbabwe Lawyers for Human Rights inoti yakakwanisa neChina chakare kununura mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Nunurai Jena, uyo anga ave nemakore maviri achitongwa nemhosva yekutuka mapurisa achinzi akavati vanoita zvehuwori.

Jena, uyo akasungwa muna Kubvumbi 2020 akachenurwa nemutongi wedare ramejasitiriti Amai Chido Garwe, avo vakawana asina mhosva. Jena aimirirwa negweta VaKudzai Choga.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG