Accessibility links

Breaking News

Kukakavadzana Kwoenderera Mberi paRwendo rwaVaMnangagwa kuDavos


President Emmerson Mnangagwa at World Economic Forum
President Emmerson Mnangagwa at World Economic Forum

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakapeta rwendo rwavo kuDavos, Switzerland nezuro.

VaMnangagwa vange vari pakati pevatungamiri venyika nehurumende makumi mashanu vange vari kumusangano weWorld Economic Forum.

Hurumende inoti VaMnangagwa vakaenda nechinangwa chekukwezva vemabhizimisi vekunze nekuyedza kumutsiridza hukama nedzimwe nyika mushure mekunge ivo nevamwe vatungamiri vehurumende vatemerwa zvirango vachipomerwa mhosva yekutonga nedemo.

VaMnangagwa vakaita misangano nevekambani inogadzira simende yeLafarge-Holcim uye vanogadzira zvekurimisa veSyngenta Agrichemicals.

Nhengo yeZanu-PF VaGilbert Dzikiti vaudza Studio 7 kuti misangano yakadai inoratidza kuti VaMnangagwa vakabudirira zvikuru murwendo urwu.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari mukuru wesangano reCentre for Natural Resource Governance VaFarai Maguwu vanoti VaMnangagwa vari kudzoka vari maoko chete nemifananidzo yavakatorwa.

VaMaguwu vanoti kusagadzikana kwezvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika nehupfumi kunopa kuti vemabhizimisi vasade kuuya kuZimbabwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG