Accessibility links

Breaking News

Sadunhu vekuChilonga Vopomerwa Mhosva Yekupandukira Hurumende Nekuramba Kuti Vanhu Vavo Vatamiswe neChisimba


Sadunhu Vheremu, VaLevison Chikutu vekuChilonga kuChiredzi, avo vari kurwira kodzero dzevagari vemunzvimbo yavo kuti vasabviswe pavhu remadzitateguru avo richipihwa kukambani yeDendairy inoda kurima sora remombe relucerne vamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekuda kukurudzira kupandukira hurumende.

Gweta raVaChikutu, Muzvare Rita Charity Chakauya, vati mutongi wedare, VaMisheck Munyaradzi vavabhadharisa mari yechibatiso inosvika zviuru zvishanu zvemari yemunyika kuti vatongwe vachibva kumba.

VaChikutu vakasungwa nezuro manheru vakarara muchitokisi cheChiredzi Central Police station. Muzvare Chakauya vati VaChikutu vari kupomerwa mhosva yekutyora mutemo wechikamu Criminal Law Codification and Reform Act nekukurudzira vagari kuti vapandukire hurumende.

VaChikutu vanonzi vakapara mhosva iyi musi wa 3 Mwedzi uno apo vakadaidzira musangano pamusha waMambo Chilonga ndokubva kururudzira vagari kuti varatidzire senzira yekuramba kubviswa
munzvimbo yavakasiirwa nemadzitateguru avo.

VaChikuti vari kuramba mhosva iyi vachiti vakatokokwawo kumusangano uyu naMambo Chilonga, VaJohn Ben, avo vasina kuzouya pamusangano wavo. Vasati vasungwa nezuro masikati VaChikoti vakaudza Studio 7 kuti vari kushungurudza nehurumende nekuti ndivo vari pamberi pekurwira kodzero
dzevagari kuti vasabviswe paivhu ravo.

Magweta pamwe nemasangano anomirira kodzero dzevanhu munyika vashoropodza kusungwa kwaVaChikutu nyaya yavo isati yapera mudare reConcourt vachiti izvi kuzama kuvanyaradza.

Gweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights varivo vanomirira VaChikutu munyaya iri muConcourt, VaTendai Biti, vati zviri pachena kuti VaChikutu vave kushungurudzwa nekumbunyikidzwa.

Izvi zvatsinhirwa nerimwe sangano rinorwira kodzero dzevagari muMasvingo iro riri kubatsirawo vagari vekuChilonga panyaya iyi reMasvingo Community Advocacy Research and Development(MACRAD).


Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muMACRAD, VaEphraim Mutombeni vanoti hrumende iri kushandisa mapurisa kuti ityisidzire vagari.

Asi mutauriri wemapurisa munyika , Assistant Commissioner Paul Nyathi vati havasati vapirwa nyaya iyi nekudaro havakwanisi kutipa divi ravo.

Mhuri dzinoda kusvika zviuru zvitatu dzakatarisana nekudzingwa munzvimbo dzavo. Kambani yeDendairy yakavambwa nemhuri yekwaCoetzee muna 2004, pamwe neimwe kambani yekuEurope, Spear Capital, iine zvikamu makumi maviri nezvinomwe kubva muzana, kana kuti 27% zvehupfumi muDendairy, iyo yakatanga kushandira kuRedcliff mudunhu reMidlands.

Vakuru vakuru muDendairy vanosanganisira VaAndrew Bradnick, VaNeville Coetzee, Amai Cherly Coeztee naDarly Archibald. VaCoetzee vanonzi murimi wechichena anowirirana zvikuru nemutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Hurumende iri kuti kurima sora remombe kuchabatsira kusimudzira varimi mudunhu reChiredzi risinfanyatonaye mvura. Sora relucerne rinonzi rinogona kumera zvakanaka munzvimbo dzakadai.

Nyaya Ina Godfrey Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG