Accessibility links

Breaking News

Muzvare Zoe Chirenda Vari kuTexas Vobatsira Vanasikana Vekwa Seke


Zoe Chirenda
Zoe Chirenda

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara kuTexas muAmerica Muzvare Zoe Chirenda vave kubatsira vanasikana kumaruwa kwavanobva kwaSeke nezvekushandisa pavanenge vachitevera kana kuti masanitary pads nezvimwe zvekushandisa muzvikoro.

Muzvare Chirenda vanoti vakange vari kuZimbabwe mwedzi wapera uko vakaita zvirongwa izvi zvakatambirwa zvakanaka nevanhu sezvo hupfumi hwenyika husina kumira zvakanaka.

Muzvare Chirinda mwana wegamba renyika uye murwiri werusungunuko VaHarold Chirenda.

"Shuwiro yangu ndeyekuti ndibatsire madzimai

nevana kunyanya vechikoro nezvikwanisiro nepose pandinokwanisa senzvira yekurangarira baba vangu vaive murwi wehondo yerusununguko. Ndinoda kubatana nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri pasi rose kuti tiite mabasa ekusimudzira nharaunda dzatinobva." Muzvare Chirenda vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG