Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yotadza Kurasa Marara KuPomona Mushure Mehuori Hunonzi Hwakaitwa Pakutengesa Nzvimbo Iyi


Kambani yeClean City iyo yange iri kutakura marara muHarare yambomira basa iri zvichitevera danho rakatorwa nekanzuru rekupa nzvimbo yayo inorasirwa marara yePomona kukambani yekuNetherlands yeGeogenix BV iyo inoshandisa zita rekuti Pomona Waste Management.

Kambani iyi yabva yakwidza mari yekurasa marara kuPomona izvo zvave kuomera makambani akawanda.

Muchiziviso kune veruzhinji, Clean City iyo yange iri kutakura marara kubva kumakambani nemimwe misha, inoti yakamira kutakura marara kubva nezuro zvichitevera kuchinja kwemafambisirwo ebasa kuPomona.

Clean City inoti kukwidzwa kwemari kuPomona kwakanganisa basa ravo rekutakura marara sezvo vazhnji vavanotakurira vasinga kwanise mari dziri kudiwa.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wekambani iyi VaFungai Mandivheyi kuti vati tsanangurire zvakawanda pamusoro pedanho rekambani yavo sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Mukuru werimwe remasangano anomirira vagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vaudza Studio 7 kuti kupinda kwekambani yeGeogenix kuPomona kwakwidza mitengo yekurasa marara uye zvinoreva kuti makambani ange ari kubatsira kutakura marara anosarikirwa nemari yakawanda akaramba achiita basa iri.

VaShumba vati vanonzwisisa danho reClean City vachiti rinoita kuti kambani iyi isarasikirwe nemari.

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa mune rimwewo sangano rinomirira vagari reCombined Harare Residents Association, VaReuben Akili, vaudza Studio 7 kuti zvave kuitwa nemakambani anotakura marara muguta zvinoratidza kuti hurongwa hwekuPomona hwakaitwa pasina kutaurirana pakati pevagari, kanzuru, nemakambani aya.

Vati kumira kwave kuita makambani kutakura marara kunoreva kuti marara achawanda muguta.

Mukuru wesangano reCommunity Water Alliance, VaHardlife Mudzingwa, vati zvingave nani kuti chirongwa chekuPomona chimiswe kuti guta risarasikire nemari inosvika mamiryoni mazana matatu emadhora ekuAmerica US$300 million mukati memakore makumi matatu anotevera sezvakanyorwa muchibvumirano ichi.

Pasi pechibvumirano ichi, kurasa tani rimwe chete remarara paPomona, panodiwa zviuru makumi mana zvemadhora ekuAmerica.

VaMudzingwa vati izvi zvinoshamisa zvikuru nekuti kanzuru yeHarare yangofanira kuita izvi iri yega pasina kupa imwe kambani mari pasina zvayaiita.

Asi vaive vakabata matomu ameya weHarare pakasainwa chibvumirano chekuPomona, VaStewart Mutizwa veMDC-T vaudza Studio 7 kuti hapana chakaipa pane zviri kuitika kuPomona vachiti kambani yakatora nzvimbo iyi yeGeoPomona mubatanidzwa wekanzuru, hurumende nekambani yeGeogenix BV.

Vabvumawo kuti mari dzave kunzi vanhu nemakambani abhadhare ndidzo dzavakabvumirana uye kambani iyi icharamba ichishanda kuPomona kunze kwekuti vamiswa nematare.

VaMtizwa vaudza Studio 7 kuti pane vamwe vagari vakatoenda kumatare vachipikisa uye pari zvino chirongwa chavo chichaenderera mberi kunze kwekuti vamiswa nematare.

Pata vabvunza nezvekumira basa kwemakambani akaita seClean City, VaMtizwa vati ivo havangaregi kuita basa ravo nekuda kwekuti pane vamwe vari kuramba basa.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumiriri wekambanani yeGeogenix muZimbabwe, VaDelish Nguwaya kana kugurukota rezvematunhu, VaJuly Moyo sezvo nharembozha dzavo dzange dzisiri kudairwa. VaMoyo vari kupomerwa mhosva yekumanikidza makanzura eMDC-T kunyora chibvumirano ichi pasingatevedzerwi mitemo.

VaMtizwa vati kambani yeGeoPomona yave kutogadzira panzvimbo iyi uye vati kana ikange yave kushanda zvakanaka ichange yave kubika magetsi anoita 25 megawatts kubva pamarara anobva muguta.

Asi zvchimwe chiri kurwadza vagari inyaya yekuti chibvumirano chekanzuru chekushanda nekambani yeGeorgenix chakaitwa pasingatevedzwe mutemo wemaTender sezvinodiwa pasi pemutemo wePublic Procurement and Disposal of Assets Act.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG