Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vovimbisa Kuti Hurumende Yavo Ine Hurongwa hweKuti Vari Kunze kweNyika Vavhote Vari Ikoko


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa neChitatu vakavimbisa vana veZimbabwe vari kunze kwenyika kuti hurumende yavo yakagadzirira kuti zvizvarwa zvese zviri kunze kwenyika zvivhote zviri munyika dzazvigere.

VaMnangagwa vanonzi vakataura mashoko aya parutivi pemusangano weWorld Economic Forum wavari kupinda kuDavos, kuSwitzerland.

Vanonzi vakati chizvarwa chese cheZimbabwe chine makore gumi nemasere zvichikwira chichawana mukana wekuvhota musarudzo dza 2023.

Hurumende yagara zvayo ichiti haina zvikwanisiro zvekuti vanhu vese vari kunze vavhote vari munyika dzavagere, asi vemapato anopikisa vachiti haidi kupa vanhu mukana uyu.

Studio 7yakundikana kubata sachigaro veZanu PF mudunhu reNorth America, VaRegis Charumbira-Vusango, sezvo nharembozha yavo yanga isiri kudairwa.

Asi sachigaro veCitizens Coalition for Change mudunhu reNorth America, VaTawanda Dzvokora, vanoti vanotenda dzanwa dzaswera nebenzi.

Hurukuro naVaTawanda Dzvokora
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG