Sangano guru rinomirira vashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti kukwira kuri kuramba kuchiita mitengo yezvinhu, kana kuti inflation, kuri kuremedza mushandi zvakanyanya nekuti muhoro wake hausi kukwidzwa, uye iye ari kupiwa muhoro mushoma iwoyo uri mumari yemadhora emunyika.
Sangano iri rinotiwo chinorwadza ndechekuti wakapinda muzvitoro unoona kuti mitengo yakatarwa nemari yekunze, asi vanotenga vachishandisa mari yemunyika.
Izvi zvinotevera mashoko akaburitswa neChipiri neZimbabwe National Statistics Agency – ZIMSTAT, ekuti inflation yepagore yemwedzi waChivabvu yadzokera zvekare pazvikamu zvinodarika zana kekutanga mukati memwedzi gumi apo yasvika pazana nemakumi matatu nechimwe nezviga zvinomwe kubva muzana kana kuti 131, 7 percent.
Inflation yepamwedzi yakakwirawo nezvikamu zvishanu nezviga zvishanu kubva muzana, kana kuti 5.5 percent kubva pazvikamu gumi nezvishanu zvine zviga zvishanu kubva muzana, 15.5 percent muna Kubvumbi, kuenda pazvikamu makumi maviri nechimwe, 21 percent, muna Chivabvu.
Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti dambudziko riri pakuti vari muhurumende havasi kutambira chokwadi chemamiriro akaita zvinhu munyika chekuti zvinhu zvaita manyama amire nerongo munyaya dzezvehupfumi.
Facebook Forum