Chirongwa cheZIMEXPO icho chinopa mukana kumakambani ezvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica neCanada kuti zviratidzire mabasa azvo chegore rino chiri kutarisirwa kutanga nemusi weChishanu muguta reCincinnati, Ohio.
Mumwe wevari kuronga gungano iri VaAnesu Manjengwa vanoti chirongwa ichI chakambomiswa munguva yapera nenyaya yedenda reCovid-19 asi gore rino chiri kutanga zvakare zvine mutsindo.
Muzinda weZimbabwe uri muAmerica uri kutarisirwa kunge uripo uchibatsira zvizvarwa zveZimbabwe zvinoda magwaro ekufambisa nezvimwewo.
Vaimbi vanobva kuZimbabwe vanosanganisira Sandra Ndebele, Tocky Vibes na Jah Signal vari kutarisirwa kufadza vazhinji pagungano iri.
VaManjengwa vanoti mapato eZanu PF ne Citizens Coalition for Change ari kutarisirwa kunge aripowo achitsvaga rutsigiro.
Facebook Forum