Accessibility links

Breaking News

PaAfrica Day, AU Inoti Iri Mugwara, Asi Vakawanda Vachiti Vatungamiri Vakundikana


Mushakabvu Kwame Nkrumah
Mushakabvu Kwame Nkrumah

Sachigaro weAfrican Union Commission VaMoussa Faki vanoti kunyangwe hazvo Africa, yakasangana nematambudziko akaita sechirwere cheCovid-19, vanopfurikidza mwero, kushandiswa kwezvinodhaka nekumbunyikidzwa kwevanhu vachibatwa senhapwa, ichiri mugwara pakuzadzikisa zvido zvayo.

Mumashoko kuvatori venhau pazuva reAfrica Day, VaFaki vanoti matambudziko emuAfrica awedzerwawo nenyaya yehondo yakatangwa neRussia kuUkraine.

Asi vamwe vakaita smutauriri webato rinopikisa reMDC T, VaWitness Dube vanoti dambudziko reAfrica harisi rekushaya zviwanikwa asi idambudziko rehutungamiriri.

Izvi zvinotsigirwa nevanoongorora nyaya dzezvehupfumi VaRejoice Ngwenya.

Mutevedzeri wemutauriri webato rinopikisa reCitizen Coalition for Change kana kuti CCC-VaOstallos Siziba vanoti zvakakosha kuremekedza kodzero dzevanhu muAfrica.

Mukuru wePlatform for Youth and Community Development VaClaris Madhuku vanoti vatungamiri vakawanda vemuAfrica vanoda kufira pabasa zvinozokanganisa zvinhu munyika dzakawanda.

VaMadhuku vanoti kuti Africa izadzise dingindira regore rino rinoti: ‘ Strengthening Resilience in Nutrition and Food Security on the African continent’ vagari vemunyika vanofanirwa kunge vaine nhaka kuvhu ravagere kana kuti ma title deeds asi vanoti izvi zviri kutadzika nekuti nyika dzakawanda kusanganisira Zimbabwe dzichiri kushandisa mitemo yevaive vakatidzvanyirira panyaya yevhu.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachigara kuSouth Africa VaMunjodzi Mutandiri vaudzaSrudio 7 kuri kusabatana kwenyika dzemuAfrica ndiko kuri kukonzera nhamo.


Patabvunza kuti sei Africa ichigara ichingopemha asi vanhu vaine pekurima uye nemamiriro ekunze akanaka, mukuru werimwe sangano rinomiririra varimi reZimbabwe Intergrated Commercial Farmers Union, Amai Mayiwepi Jiti, vanoti ivhu rinoda kushandwa nemari kuti vanhu vakwanise kuburitsa zvekudya.

Hatina kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vanga vasingadavire nharembozha yavo asi pachinyorwa chavo chaburitswa mumapepanhau akawanda nhasi vabvuma kuti dambudziko riripo ndere zinyekennyeke rave kuitika mukubatana kwenyika dzemuAfrica sezvaikurudzirwa nevatungamiri vakaita sevashakabvu, Haille Selasie vekuEthiopia, Kwame Nkruma vekuGhana, Julias Nyerere vekuTanzania nevamwe.

Africa Day izuva rekupemberera kuumbwa kwesangano reorganization of African Unity musi wa25 Chivabvu 1963. Sangano iri rave kunzi African Union.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG