Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatana neDzimwe Nyika kuCherechedza Zuva reAfrica Day


Vatungamiri venyika dzemuAfrica vari kumuzinda weAfrica Union kuAddis Ababa, Ethiopia.
Vatungamiri venyika dzemuAfrica vari kumuzinda weAfrica Union kuAddis Ababa, Ethiopia.

Zimbabwe neChitatu iri kubatana nedzimwe nyika dzemu Africa pakucherechedza zuva reAfrica Day, iro rakanangana nekucherechedza pamwe nekupemberera budiriro yaitika muAfrica kuburikidza nesangano reAfrican Union, kubva zvaraumbwa musi wa25 Chivabvu 1963 richinzi Organisation of African Union.

Zuva iri rinotarisa budiriro huru dzinosanganisira kusununguka kubva kuvapambi vepfumi, pamwe nezvehupfumi, uyewo matambudziko achakatarisana nenyika dzemuAfrica.

Asi vamwe vanoti kunyange hazvo Africa yasununguka kubva kuvapambepfumi , ichiri pasi pehunapwa munyaya dzezvehupfumi.

Zuva iri riri kuuyawo panguva iyo zvizvarwa zvemuAfrica zvisina kubatana, sezviri kuonekwa nekurwiswa kuri kuitwa zvizvarwz zvekune dzimwe nyika nezvizvarwa zveSouth Africa uye kushungurudzwa kwevamwe kunyika dzakaita se Libya.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika, vachitungamira bato rinopikisa re Democratic Party, VaUrayayi Zembe, vanoti kunyange hazvo pachine zvimwe zvinoda kugadziriswa, pachine tariro yekuti zvakaumbirwa zuva iri zvichazadziswa.

Hurukuro naVaUrayayi Zembe
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG