Accessibility links

Breaking News

 Vakoti Vosvitsa Tsamba dzeNyunyuto kuVashandirwi paNyaya yeMashandiro Avo


FILE - Zimbabwean riot policemen stand in front of doctors and nurses who are demonstrating over the deteriorating health system, outside Parirenyatwa group of hospitals in Harare, Nov. 18, 2008.
FILE - Zimbabwean riot policemen stand in front of doctors and nurses who are demonstrating over the deteriorating health system, outside Parirenyatwa group of hospitals in Harare, Nov. 18, 2008.

Rimwe sangano rinomirira vakoti, reZimbabwe Professional Nurses Union (ZPNU), ranyora magwaro enyunyuto kumushandirwi anove Health Services Board pamwe nekubazi rezvehutano, richikurudzira kuti mashandiro evakoti avandudzwe, zvikuru mihoro yavo, uyewo kuti vakwidziridzwe kumabasa.

Mutungamiri wesangano iri, VaRobert Emmanuel Chiduku, vanoti vatora danho iri nekuona kuti hurumende yakavhara mukana wekuita nhaurirano nevashandi pasi peTripartite Negotiating Forum, zvavanoti zvave kuita kuti hurumende ingoita zanu ndoga.

Studio 7 haina kukwanisa kubata bazi reHealth Service Board kanawo bazi rezvehutano kuti tinzwewo mativi avo panyaya iyi.

Asi VaChiduku vanoti vachapa vashandirwi masvondo maviri ekupindura kumagwaro avo enyunyuto avasvitsa vachiti kukundikana kwekugadziriswa kwenyunyuto dzavo vachazopa chiziviso chekuti vakoti vachazokanda mapadza pasi.

Hurukuro naVaRobert Emmanuel Chiduku
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG