Accessibility links

Breaking News

VaBiden Voshoropodza Vanorwira Kuti Pfuti Dziwanikwe Nyore Mushure meKupfurwa kweVana kuTexas


Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden vachitaura vari kumuzinda weWhite House mushure mekuurayiwa kwevana nechikoro paRobb Elementary School chiri muUvalde, mudunhu reTexas.
Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden vachitaura vari kumuzinda weWhite House mushure mekuurayiwa kwevana nechikoro paRobb Elementary School chiri muUvalde, mudunhu reTexas.

Mutungamiri weAmerica VaJoe Biden vashora zvikuru vanorwira kodzero dzekuti vanhu vabvumidzwe kutenga zvombo, avo vari kuramba kuti pasave nemutemo unorambidza kutengeswa kwezvombo kuvanhu vese vese.

Vachitaura vari kumuzinda weWhite House mushure mekuurayiwa kwevana vechikoro gumi nevasere pamwe nevakuru vatatu pachikoro chevana vadiki cheRobb Elementary School kuUvalde mudunhu reTexas muAmerica neChipiri, VaBiden vakurudzira kuti patorwe matanho nekukasika ekumisa kuwanikwa kwezvombo nyorenyore.

"Tinofanirwa kutora matanho uye musandiudze kuti kupndwa kwevanhu uku hakuna kutirwadza?" VaBiden vadaro.

Vatiwo vaneta nekungoona vanhu vachiurayiwa pasina zviri kuitwa kumisa kutengeswa kwezvombo, vakati "yave nguva yekuti kurwadziwa uku kushanduke kuve zviito."

VaBiden vari kutarisirwa kukurudzira dare reCongress kuti ritore matanho anodzivirira kuti pfuti dzipinde mumigwagwa nyore.

Gavhuna vedunhu reTexas, VaGreg Abbott vakazivisa neChipiri kuti nyakupfura nekuuraya vanhu muchiitiko ichi, uyo anga ave nemakore gumi nemasere ekuberekwa, akafawo uye anofungidzirwa kuti akaurayiwa nemapurisa akatanga kusvika panzvimbo iyi.

VaAbbott vakati murume wekupfura vanhu uyu akanga aine pfuti duku uye anogonawo kunge akanga aine pfuti yerudzi rwechigwagwa.

Kuurayiwa kwevana pamwe nevakuru uku kuri kuuya panguva iyo vamwe vanhu gumi vakaurayiwa vamwe vatatu vakakuvadzwa ku Bufallo, kuNew York mushure mekupfurwa svondo rapera.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri kuTexas, VaNigel Gombakomba, vanoti chinhu chinorwadza zvikuru kuti vana vadiki vakadaro vanourayiwa nemutowo wakadaro, vachiti panofanirwa kutorwa matanho akasimba anorambidza kuwanikwa kwepfuti zviri nyore.

Hurukuro naVaNigel Gombakomba
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG