Seneta vedunhu reTexas muAmerica VaRoland Gutierrez pamwe nemapurisa vanoti vana gumi nevasere vepane chimwe chikoro chevana vadiki mudunhu reTexas pamwe nevanhu vakuru vatatu vapfurwa ndokufa pachikoro chevana cheRobb Elementary School chiri muUvalde, mamaira makumi masere nemashanu kumawirira kweguta reSan Antonio.
Gavhuna veTexas, VaGreg Abbott ndivo vatanga kuzivisa nezvechiitiko ichi chaitika mudunhu ravo.
VaAbbott vati nyakupfura nekuuraya vanhu muchiitiko ichi, uyo anga ave nemakore gumi nemasere ekuberekwa, afawo uye anofungidzirwa kuti aurayiwa nemapurisa akatanga kusvika panzvimbo iyi. VaAbbott vati murume wekupfura vanhu uyu anga aine pfuti duku uye anogonawo kunge anga aine chigwagwa.
Kuurayiwa kwevana pamwe nevakuru vaviri vanosanganisira murairidzi uku kuri kuuya panguva iyo vamwe vanhu gumi vakaurayiwa vamwe vatatu vakakuvadzwa ku Bufallo, kuNew York mushure mekupfurwa svondo rapera.
Izvi zviri kuuyawo panguva iyo mutungamiri wenyika yeAmerica, VaJoe Biden, vari kutarisirwa kukurudzira dare re Congress kuti ritore matanho anodzivirira kuti pfuti dzipinde mumigwagwa.
Chizvarwa cheZimbabwe chiri kuTexas, VaNigel Gombakomba, vanoti chinhu chinorwadza zvikuru kuti vana vadiki vakadaro vanourayiwa nemutowo wakadaro, vachiti panofanirwa kutorwa matanho akasimba anorambidza kuwanikwa kwepfuti zviri nyore.
Facebook Forum