Accessibility links

Breaking News

Mamwe Madzimai Anoti Bhanga Rakaparurwa naVaMnangagwa Rotadza Kuvabatsira


Mamwe madzimai anoti bhanga remadzimai reWomen's Bank rakanzi rivakweretese mari yekusimudzira mabhizimisi avo riri kutadza kuvapa mari.

Vachitaura nezuro muChinhoyi kukomiti yeparamende inoona nezvemabhizinisi madiki neari pakati nepakati madzimai aya anoti bhanga iri rinofanirwa kuongororwa sezvo vari kubhadhara mari vachivimbiswa kupihwa mari dzezvikwereti asi havasi kudziwana.

Mumwe mudzimai wekuMhangura akapinda musangano wanezuro Amai Prisca Tahwasha vanoti hapana zviri kufamba kunyange vakabhadhara mari zvichireva kuti bhanga iri ririkubira madzimai.

Madzimai aya akataurira komiti iyi kuti vanobhadhariswa mari madhora emunyika chiuru nemazana mashanu kuti vapihwe chikwereti chinofanira kubhadharwa mukati megore rimwechete zvisineyi kuti munhu atora chikwereti chemarii.

Mushandi webhanga reWomen's Bank mudunhu reMashonaland West VaPeter Masara vanoti vanhu vakawanda vari kushaya mari nekuti havadi kukwereta vakawanda sezvinokurudzirwa. VaMasara vanoti munhu akakwereta akazvimiririra zvinodikanwa zvakawanda zvakaita semidziyo yekubatisa kana kuti colleteral.

Mamwe madzimai anoti ave nemakore maviri abhadhara mari iyi asi hapana chavati vawana kunze kwevimbiso chete.

Mudunhu reMashonaland West makanyoresa vanhu vanosvika zviuru zviviri kuti vapihwe mari dzekutanga kana kusimudzira mabhizimisi asi kwakapihwa vanhu vatatu chete.

Amai Tariro Shumba vanoti havasati vapihwa mari asi vati mutero wavari kunzi vazobhadhara kana kuti interest yezvikamu gumi nezvishanu kubva muzana pagore yakawandisa.

Sachigaro wekomiti yaibvunzurudza madzimai Amai Goodlucky Kwaramba vanoti vaida kunzwa kuti bhanga reWomen Finance Bank kuti riri kubataira sei madzimai.

Amai Kwaramba vanoti madzimai akawanda kwavakafamba ari kuchema kuti madzimai haasi kuwana mari uye Interests yacho yaka kura.

Vatiwo vachaenda nezvichemo zvemadzimai kuparamende uye vachashevedza gurukota rezvemabhizinisi Amai Sithembiso Nyoni kuti vazopindura zvinyunyuto zvemadzimai.

pBhanga reZimbabwe Women’s Microfinance Bank rakaparurwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa muna 2018.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG