Accessibility links

Breaking News

VaBiden Vanoti Vacharamba Vachibatsira Ukraine Kurwisa Russia


Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vavimbisa kuti America icharamba ichibatsira Ukraine muhondo neRussia nezvombo.

VaBiden vataura mashoko aya kuJapan pamusangano wavaita nemutungamiri wenyika iyi uye dzimwe dzinoti India neAustralia. VaBiden vati America ichabatsira Ukraine vachiti kurwisa kuri kuita Russia nyika iyi kuri kukonzera kusagadzikana pasi rose.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muUkraine VaDmytro Kuleba vakukurudzira dzimwe nyika dzakabudirira kuti dzitumire zvombo kunyika yavo nechimbi chimbi kuti ikwanise kurwisa Russia iyo iri kuda kuipamba.

Russia inonzi iri kurwisa dunhu reDonbas muUkraine zvakasimba. Nezuro gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwenyika yeAmerica VaLloyd Austin vakazivisawo kuti nyika makumi maviri dziri kuronga kutumira zvombo kubatsira Ukraine.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG