Accessibility links

Breaking News

VaZelenskyy Vokurudzira Kuti VaPutin Vatemerwe Zvirango Zvakaomarara


Mutungamiri weUkraine, Volodymyr Zelenskyy vachitaura kuvatungamiri venyika nehurumende kuWorld Economic Forum in Davos, Switzerland

Mutungamiri wenyika yeUkraine VaVolodymy Zelenskyy vakaudza vatungamiri venyikadze pasi rino kuti dzitemere mutungamiri wenyika yeRussia VaVladimir Putin zvirango zvakaomarara nehondo yavakatanga yekuda kupamba nyika yavo.

VaZelenskyy vakataura mashoko aya kuvatungamiri venyika nehurumende kubva kunyika makumi mashanu vari kuDavos, Switzerland kumusangano weWorld Economic Forum. Vakataura kuburikidza nevhidhiyo vari muguta guru renyika yavo reKyiv.

VaZelenskyy vaaudzawo vatungamiri venyika ava kuti Russia yakauraya vanhu makumi masere nevanomwe nemusi weChipiri svondo rapera apo mauto enyika iyi akabhomba chimwe chivakwa mudunhu reChernihiv.

Mutauriri wemauto eRussia akatenda kuti ainge arwisa nzvimbo iyi achiti paive nevanhu vaigadzirira kurwisa mauto enyika yavo.

Zvichakadaro, mutungamiri wenyika yeSenegal VaMacky Sall vakazivisawo kuti vachaenda kuMoscow, Russia kunoita hurukuro naVaPutin vakamirira nyika dzemuAfrica. Vanoti vakabvako vachaendao kuKyiv kunoita hurukuro naVaZelenskyy.

Nyaya yehondo yeRussia yekuda kupamba Ukraine yakonzera kusagadzikana munyika dzakawanda dzemuAfrica nepasi rose munyaya dzezvehupfumi sezvo dzichitenga gorosi, fotereza, mafuta ekubikisa nezvimwe kunyika mbiri idzi.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Elliot Masocha vaudza Studio 7 kuti zviri pachena kuti VaPutin havasi kudududza pakuda kugwadamisa hupfumi hweUkraine.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG