Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vana, Kusanganisira Vatyairi Vose Vafa Pabonderana Mabhazi eZUPCO


Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti vanhu vana vafa vamwe makumi matanhatu nevanomwe vakakuvara munjodzi yemumugwagwa yaitika pedyo neChinhoyi. Vatyairi vose vafira panzvimbo nemumwe munhu mumwe chete. Vamwe vafira muzvipatara.

PaDandemutande reTwitter mapurisa ambotanga ati vanhu vanomwe vashaya vasati vazoti vana chete kunyangwe vamwe vakuvara zvakaipisisa.

Gurukota rinoona nezvedunhu reMashonaland West Amai Marry Mliswa Chikoka vashanyirawo chipatara cheChinhoyi kunoona vanhu vakuvara mutsaona iyi vanoti zvinorwadza kuti paita tsaona kwabva kuitika imwe kuKariba mwedzi wapera iyo yakauraya vanhu vana ikakuvadza vamwe makumi maviri.

Vati vamwe vashanu vakuvara zvakaipisisa uye vange voendeswa kuHarare.

Amai Mliswa-Chikoka vakurudzira vatyairi vemabhazi kuti vafambe zvishoma vakatiwo vanenge vakatakurwa vanofanira kutsiura vatyairi kana vachimhanyisa sezvo zviri kunzi bhazi ranga richibva muChinhoyi range richimhanya zvakanyanya.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG