Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Oenderera Mberi neKusunga Nhengo dzeCCC Pasi peMutemo weMOPA Kana Dzichiita Misangano


Mutungamir weCCC VaNelson Chamisa,

Nhengo ina dzebato reCCC dzekuNdanga kuZaka nhasi dzamiswa pamberi pedare reMasvingo Magistrate dzichipomerwa mhosva yekuita musangano wezvematongerwe enyika pamusha pemumwe wavo zvisiri pamutemo nemusi weMugovera.

Vana ava vanoti ,VaJohanes Chongore (55), VaManners Mundoga(51), VaMethod Gwangava(41) naAmai Tendayi Machisani vakapedza mazuva maviri vari muchitokisi cheMasvingo Central Police station.

Mutongi wedare, VaFarai Gwitima vapa vana ava mukana wekubvisa mari yechibatsio inosvika zviuru gumi zvemadhora emunyika kuti vatongwe vachibva kumba. Gweta ravo, VaMartin Mureri vati mutongi wedare ati vana ava vakasungwa pamusha paAmai Machisani, vadzoke musi wa9 mwedzi unouya.

Vana ava vari kuramba mhosva yavari kupomerwa yekutyora mutemo weMaintenance of Peace and Order Act (MOPA) vachiti vange vasingaiti musangano asi vakange vashanyira Mumwe wavo Mai Machisani vachitandara havo.

Vebato reCCC vanopomera mapurisa mhova yekushungurudza nhengo dzavo apo vakatarisana nesarudzo dzegore rinouya vachiti ari kutumwa nebato reZanu PF. Asi mapurisa nevebato reZanu-PF vanoramba mashoko aya vachiti mapurisa haarerekere divi uye havatarise kuti wabuda mumba maani.

Zvichakadaro nhengo yebato reCCC iri kumira musarudzo dze by elections kuward 21 muMasvingo west musi wa25 Mwedzi unouya, VaOnias Mawarire, vari kuchechema kuti bato reZanu PF riri kutyikidzira
vatsigiri vavo kuti vasavavhotera vachiti vanozonyimwa chikafu.

VaMawarire vatiwo chechidiki veZanu-PF varikutsvagira nhengo yavo rutsigiro, Chenjerai Mumbire vari kuvhundutsirazve masabhuku munzvimbo iyi kuti vakasaudza vanhu vavo kuti vavhotere bato
rinotonga vanotorerwa nyembe pamwe neminda yavo.


Nhengo yeCCC mudunhu reMasvingo, VaJefreson Chitando vashoropodza Zanu PF vachiti magariro ayo kushandisa mhirizhonga pamwe nemapurisa kana yatarisana nesarudzo sezvakaitika kuZaka pamwe nezviri kuitika kuward 21.

Hatina kukwanisa kubata vari kukwikwidzana naVaMawarire, VaMumbire veZanu PF kuti tinzwe divi ravo sezvo nhare yavo yange isingapindi.

Asi sachigaro weZanu PF muMasvingo VaRobson Mavhenyengwa, varamba mhosva dzavari kupomerwa vachiti ivo havapindiri mumabasa emapurisa uye bato ravo harishandisi chikafu kutsvaga rutsigiro.


Asi vebato reCCC vanoti kunyange Zanu PF ichiramba yakatotanga kufambisa vechidiki vebato iri mumaruwa emuward 21 avo vari kupomerwa mhosva dzekupinda mudzimba vachichityidzira vabereki pamwe nemadzisabhuku kuti bato ravo rikadyiwa vanotorerwa minda uye nekunyimwa chikafu.

Chikafu chiri kushandiswa sechombo apo dunhu reMasvingo rakatarisana nenzara gore rino nenyaya yekutsva kwakaita zvirimwa nemvura yakarambira mudenga.

Ward 21 yakasara isina mumiririri muMasvingo Rural District Council mushure mekushaika kwevaiva kanzura veko VaTinago Mupinga vakashaya musi wa24 Kurume gore rino.

Mumwe ari kukukwikwidzawo musarudzo idzi ndiMuzvare Sister Nhando avo vakazvimiririra. Zvichakadaro munyori mukuru wesangano reCCC kuManicaland VaGodfrey Mubatsa avo vakasungwawo nezuro pasi pemutemo weMaintenance of Peace and Order Act (MOPA) mushure mekupomerwa mhosva yekuita musangani paDoradombo vapihwawo mukana wekubvisa mari yechibatiso nhasi.

Nyaya Ina Godfrey Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG