Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Muvhuro, Chivabvu. 23, 2022


Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasvika kuSwitzetland kumusangano weWorld Economic Forum kune vamwe vatungamiri venyika nehurumende makumi mashanu.

Breaking..Chief Mabhikwa vekuLupane vekuLupane, Matabeleland North vakashaya nezuro munjodzi yemumugwagwa weBulawayo-Victoria Falls. Njodzi iyi inonzi yakaitika na10 manheru.
Mashonald West inonzi haisi kushandisa dzimwe mari dzakaendeswa kumatunhu kana kuti devolution zvakanaka.
Mapurisa oenderera mberi nekusunga nhengo dzebato reCCC.
Muchirongwa chedu cheLivetalk na8 pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yekukwira kwemitengo yezvinhu nerwendo rwemutungamiri wenyika kuSwiterzland kumusangano weWorld Economic Forum.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG