Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vanosimuka Kuenda kuDavos kuMusangano weWorld Economic Forum


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vakasimuka neSvondo manheru vakananga kuSwizterland kumusangano wekuzeya matambudziko akatarisana nepasi rose weWorld Economic Forum, uyo unoitirwa muguta reDavos.

Musangano uyu wakatanga neSvondo uye unopera musi weChina svondo rino.

VaMnangagwa vari kutarisirwa kuita misangano yepamusorosoro nevatungamiri vedzimwe nyika pamwe nevakuru vezvemabhizimusi emuEurope muhurongwa hwavo hwekuedza kukwezva vemabhizimusi kuti vapinde munyika.

Musangano weWorld Economic Forum uyu uri kutarisirwa kupindwa nevatungamiri venyika, vemabhizimusi pamwe nevemasangano akazvimirira vanoda kusvika kuzviuru zviviri nemazana mashanu, avo vari kutarisirwa kuzeya nyaya dziri kutambudza pasi rino dzinosanganisira denda reCovid-19, hondo iri pakati peRussia neUkraine, kusagadzikana kwehupfumi pamwe nekushanduka kwemamiriro ekunze.

Muzvinafundo Elliot Masocha, vanove nyanzvi mune zvehupfumi nekudyidzana kwenyika dzapasi rose, vari zvakare mudzidzisi mukuru wezvemabhizimusi paDevry University muAmerica, vanoti musangano uyu wakakosha zvikuru kuZimbabwe nepasi rose

Panyaya yekuti VaMnangagwa vane chavanodzoka nacho here kubva kumusangano uyu, Muzvinafundo Masocha vanoti havaoni paine chinokohwe nekuda kwekuti nhoroondo yeZimbabwe munyaya dzezvikwereti pamwe nekumabatiro ayo enyaya dzezvemabhizimusi nehupfumi zvinogona kuvakanganisa.

Hurukuro naMuzvinafundo Elliot Masocha
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG