Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voenda kuSwiterland Vamwe Vachiti Vachadzoka neNhava Izere Mhepo


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutugamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kusimuka manheru ano vakananga kuDavos, Switerland kumusangano weWorld Economic Forum.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFrederick Shava avo vari kuenda nemutungamiri wenyika vaudza Studio 7 kuti vange vachisimuka panhandare yeRobert Garbriel International Airport manheru ano.

Vamwe vari kuenda igurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube uye gurukota rezvemaindustry, Amai Sekai Nzenza.

Mumashoko kuvatori venhau, VaShava vati mutungamiri wenyika achatora mukana wemusangano uyu kusangana nevatungamiri vedzimwe nyika nevemabhizimisi kuyedza kuvakwezva kuti vauye kuZimbabwe.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vaudza Studio 7 kuti nemitemo yeZimbabwe inongovandudzwa vandudzwa havaone VaMnangagwa vachibuda nechouviri. Vati nyika dzingatodzimba iSouth Africa neZambia dzine hupfumi hwakadzikama.

Hurukuro naMuzvinafundo Gift Mugano
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Musangano uyu watanga nhasi uchipera musi weChina svondo rinouya. WEF inoti pamusangano wayo wepagore panenge paine vatungamiri venyika nehurumende, vemabhizimisi nevamwe vanosvika zviuru zviviri nemazana mashanu kubva kunyika zana.

Vamwe vatungamiri vari kutarisirwa kutaura pamusangano uyu vanosanganisira mutungamiri wenyika yeUkarine VaVolodymyr Zelenskyy uye mutungamiri weGermany Chancellor Olaf Scholz.

Vatungamiri venyika nehurumende zana ndivo vari kutarisirwa kumusangano uyu. Vanhu vange vasingasangane kuDavos kwemakore maviri adarika nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Dingindira regore rino rakanangana nekutarisa nhoroondo nekutsvaga nzira itsva dzekuendererera mberi kana kuti 'history at a turning point' Nyaya dziri kutaurwa dzinosanganisa yeCovid-19 uye kurwiswa kweUkraine neRussia.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG