Accessibility links

Breaking News

Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri kuShungurudzwa kuOman Zvokumbira KuBatsirwa Kudzoka kuMusha


Oman
Oman

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri ku Oman kuMiddle East iyo iri pedyo neUnited Arab Emirates, zviri kuchema zvichitsvaga rubatsiro rwekuti zvikwanisedzoke kudzoka kumusha zvibde munyika iyi, uko zvinoti zviri kubatwa senhapwa.

Mumwe wevari mudambudziko iri ndi Muzvare Dadirai Chimbunde, avo vanoti vakatiza kwavaishanda nekuda kwemabatirwo avanoti vaiitwa anosanganisira kushandiswa semadhongi uye kumanikidzwa kuita zvepabonde nevavaishandira.

Muzvare Maria Masunda anotiwo hupenyu hwavari kurarama have kutyisa asi kwekumhan’ara hapana nekuti kwese kwavanoenda hakuna anovateerera.

Mumwewo musikana akakwanisa kutiza achibuda muOman, uyo ada kungonzi Muzvare Tariro vanoti zvinosangana nezvizvarwa zveZimbabwe munyika iyi zvinosiririsa.

Muzvare Tariro vanoenderera mberi vachiti dzingoriwo nyasha dzaMwari kuti vanorarama zvakanaka vari ikoko nekuti chimwe nechimwe chinogona kungoitika chero nguva.

Asi gurukota rinoona nezvekufambiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vanoti hurumende haina kungopeta maoko nezvenyaya dzemhando iyi.

Aka hakasi kekutanga kunzwa zvizvarwa zveZimbabwe zvinenge zvaenda kunyika dzeku Middle East zvichitsvaga mafuro manyoro zviri kuchema nekushungurudzwa.

Muna 2016 madzimai anodarika mazana maviri ainzi akanga achitambura ari mu Kuwait mushure mekunge vaendako vachikwezva nemari dzakawanda dzinenge dzichinzi dzinobhadharwa ikoko.

Hurumende inonzi muna Kurume yakambobatsira vamwe vane chitsama vaive vachitambura vari ku Oman kuti vadzoke kumusha.

Studio 7 yakundikana kubata munyori mukuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika, Va Aaron Nhepera. Asi VaNhepera vakamboudza vatori venhau kuti huwandu hwevasikana vaida rubatsiro ipapo hwaisvika kuzana.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzezvehupfumi munyika, izvo zvinonzi zvinozoita kuti vakawanda vade kubuda kunze kwenyika vachiti kusiri kufa ndekupi?

Nyaya ina Evans Zininga
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG