Accessibility links

Breaking News

Mutevedzeri weGurukota reZvekurima, VaDouglas Karoro, avo vari Kupomerwa Mhosva yeKutora Mbeu neFoteresa Vanomiswa Pamberi peDare


VaKaroro vanonzi vakatora fotereza yaifanirwa kugoverwa kuvarimi kuMashonaland Central.
VaKaroro vanonzi vakatora fotereza yaifanirwa kugoverwa kuvarimi kuMashonaland Central.

Mutevedzeri wegurukota rezvekurima, VaDouglas Karoro, avo vakasungwa neChishanu manheru vachipomerwa mhosva yekuba mbeu nefoteresa zvechirongwa chemutungamiri wenyika che Presidential Inputs Scheme, vamiswa pamberi pedare ramejasitireti muHarare.

Asi mutongi wedare Amai Tafadzwa Miti vaendesa nyaya iyi mberi kumusi wa 23 mwedzi uno, unove Muvhuro, zvichireva kuti VaKaroro pamwechete nevamwe vevavari kupomerwa mhosva iyi pamwechete vanoti VaJeremy Phiri naVaDean Dzimunya, vachange vari muhusungwa kupera kwesvondo kwese.

VaKaroro vari kupomerwa mhosva yekuba matsaga mazana manomwe efotereza, mbeu yechibage inokosha zviuru gumi nezvisere zvemadhora ekuAmerica pamwe nembeu yemuriwo kubva kuchirongwa chemutungamiri wenyika ichi pakati pemwedzi yaKurume naKubvumbi vachizvitengesa.

Zvikwanisiro izvi zvinonzi zvaitorwa kubva kuGrain Marketing Board yekuMushumbi Pools iri kuMbire mudunhu reMashonaland Central uko zvaifanirwa kupiwa kuvarimi. Hurumende yagara zvayo inoti yakazvipira kurwisa huwori, asi vakawanda vanoti kutaura chete kusina zvakunoburitsa, vachiti yagara inongoita gudziramukanwa.

VaKaroro vakasungwa pamwechete nemukuru weGMB paMushumbi Pools, VaLovemore Ngowe, avo vari muhusungwa zvakare mushure mekumiswawo pamberi pedare neChishanu.

Mukuru anoona nezvezvirongwa musangano rinorwisana nehuwori kuchamhembe kweAfrica, reAnti-Corruption of Southern Africa, VaAlouis Munyaradzi Chaumba, vanoti idanho rakanaka raitwa nehurumende rekusunga vanoita zvehuwori, asi chasara kuona kuti nyaya iyi inopera sei.

Asi vanotiwo nyaya iyi inogona kunge iine zvematongerwo enyika mukati sezvo VaKaroro vakambonetsana negurukota rezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe nguva pfupi yapfuura paiitwa hurongwa hwekuumba hutungamiri hwebato reZanu PF kuMashonaland Central.

VaChaumba vanoti chinorwadza vana veZimbabwe zvakanyanya ndechekuti vakuru muhurumende vanenge vasungwa nyaya dzavo dzinozongofa chinyararire.

Hurukuro naVaAlouis Munyaradzi Chaumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG