Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira, ZEC, Voshushikana neKuderera kweHuwandu hweVanhu Vakanyoresa kuVhota, Zvikuru Madzimai


Madzimai mashoma kwazvo ndiwo anonzi akanyoresa muvhota, zvikuru kuMasvingo.
Madzimai mashoma kwazvo ndiwo anonzi akanyoresa muvhota, zvikuru kuMasvingo.

Masangano akazvimirira muMasvingo anoti haasi kufadzwa nekushomeka kuri kuita vagari vari kunyoresa kuvhota, kunyanya vanhukadzi, vechidiki pamwe nevakaremara, apo nyika yakatarisana nesarudzo gore rinouya.

Vachitaura pamusangano waitwa nhasi nesangano revagari reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance wekuparura chirongwa chekukurudzira madzimai, vechidiki pamwe nevakaremara kuti vanyorese kuvhota, mutevedzeri wemukuru anoona nezvekufambiswa kwebasa musangano reZEC muMasvingo, VaMaxwell Ncube, vati huwandu hwevanhukadzi vari kunyoresa kuvhota huri kuderera.

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa muMURRA, Muzvare Rumbidzi Magurupira, vati chirongwa chavo chichabatsira kuti madzimai nemamwe mapoka anyorese kuvhota.

Vachitaurawo pamusangano mumwechetewo, sachigaro wesangano reZimbabwe Elections Support Network muMasvingo, VaMunyaradzi Chauke, vakurudzira ZEC kuti ivandudze zvirongwa zvekushambadza chirongwa chekunyoresa kuvhota vachiti ndizvo zviri kuita kuti vanhu vashoma vanyorese kuvhota.

Vemasangano aya vanoti ZEC yakazivisa kuti yakanyoresa vanhu vashoma pachirongwa chichangopera che voter registration blitz chaipinda munzvimbo dzinogara veruzhinji.

Masangano akazvimirira pamwe neZEC anotiwo ari kushushikana nekuderera kwehuwandu hwevanhu vari kunyoresa kuvhota munyika yose.

Vanhu zviuru gumi nezvinomwe chete ndivo vakakakwanisa kunyoresa mudunhu rose reMasvingo, iro rine vanhu vanosvika mamirioni maviri.

Nyaya yeZEC ina Godfrey Mutimba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG