Accessibility links

Breaking News

ZERA Inokwidza Zvakare Mafuta eDzimotokari, Panguva Iyo Mitengo yeZvinhu Zvakawanda Yakwirawo


Mitengo yemafuta iri kukwira pasi rose zvichiwedzerwawo nehondo iri pakati peRussia neUkraine.
Mitengo yemafuta iri kukwira pasi rose zvichiwedzerwawo nehondo iri pakati peRussia neUkraine.

Bazi rehurumende reZimbabwe Energy Regulatory Authoirty (ZERA) nhasi rakwidza mitengo yemafuta edzimotokari izvo zvinoreva kuti zvichakwidzawo zvakare mitengo yezvinhu yakagara yakakwira nechakare.

Muchiziviso chayaita nhasi, ZERA yati mutengo wemafuta edhiziri wakwira nemasendi matatu ekuAmerica kusvika dhora rimwe nemasendi makumi manomwe nemana emari yekuAmerica, kana kuti $1.74 kana kuti mazana mana nemakumi mapfumbamwe nepfumbamwe nemasendi makumi mashanu nematanhatu emari yekunyika, kana kuti 499, 56 RTGS, kubva padhora rimwe rekuAmerica rine masendi makumi manomwe nerimwe, kana kuti US $1.71, iyo yakaziviswa musi wa 06 mwedzi uno.

Mutengo wepeturu wakwirawo kubva padhora rimwe rekuAmerica rine masendi makumi matanhatu nerimwe, kana kuti US$1.63, kuenda padhora rimwe rekuAmerica rine masendi makumi matanhatu nemasere, US$1.68 US kana kuti madhora mazana mana nemakumi masere nerimwe nemasendi maviri emari yemunyika, kana kuti 481,02 RTGS.

Kukwira uku kwatambirwa nekunyunyuta nevakawanda munyika avo vati zvichakonzera kukwira kwemitengo yezvinhu muzvitoro kunyanya chikafu icho chave nevhiki mbiri chichingokwira mitengo pasina kumira.

VaAndrew Munguri vati kukwira kwaita mafuta ekufambisa uku kuchaita kuti vatadze kutenga chikafu muzvitoro sezvo zvagara zvichidhura.

Zvimwe zvakakwira mitengo zvinosanganisira mafuta ekubikisa ayo oita mari inodarika chiuru nemazana mashanu emaRTGS pabhodhoro remarita maviri kubva pamazana matanhatu svondo rapfuura.

Chisaga cheupfu che10 KG chakakwirawo kusvika kumadhora chiuru nemazana masere mune zvimwe zvitoro izvo zviri kuomera vatengi avo vasiri kukwidzirwa mihoro kumabasa.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinorwira kodzero dzevatengi munyika reConsumer Council of Zimbabwe (CCZ) muMasvingo, VaDumisani Mungutshini vanoti kukwira kuri kuramba kuchiita mafuta edzimotokari uku kuri kukanganisa vatengi.

Kunyange tatadza kubata gurukota rinoona nezvemhando dzemoto, VaSoda Zhemu, kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi, hurumende inoti mafuta edzimotokari ari kukwidzwa zvichikonzerwa nehondo iriko pakati pe Russia ne Ukraine ku Europe.

Nyaya yemutengo wemafuta ina Godfrey Mutimba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG