Accessibility links

Breaking News

Muvezi weMatombo Ane Mukurumbira, Dominic Benhura, Opihwa Ruremekedzo muAmerica


Dominic Benhura

Muvezi wematombo ane mukurumbira, Dominic Benhura, anoti ari kufara zvikuru mushure mekupiwa ruremekedzo rwepamusoro neguta re Carmel ku Indiana muno muAmerica, iro rakatara zuva ra 14 Chivabvu sezuva re"Dominic Denhura Day."

Benhura anoti akange asingazivi kuti achawana ruremekedzo urwu, urwo rwaakawana mushure mekuveza chivezwa chichange chichiratidzwa muguta iri icho chakaparurwa svondo rapera.

Dominic Benhura
Dominic Benhura

Vakawanda vanorangarira Benhura mushure mekunge aveza chivezwa chevaimbove mutungamiri venyika, mushakabvu VaRobert Mugabe, icho chakashorwa zvikuru neveruzhinji,

Benhuru anoti shuwiro yake ndeyekuti arambe achisimudzira vamwe vavezi vekuZimbabwe uye pari zvino ari pachirongwa chiri kuitwa kuCincinnati,Ohio muno muAmerica apo pane vavezi vaanoshanda navo vari kutengesa zvivezwa zvavo.

"Ndiri kufara zvikuru sezvo ndange ndisingambotarisira ruremekedzo rwakadayi muAmerica.

"Shuwiro yangu ndeye kubatsira kusimudzira vamwe vavezi vari kuZimbabwe vachangotanga kuti vawanewo mikana yekubudirira," Benhura audza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG