Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheEuropean Union Changa Chirti muNyika Chinokomekedza Hurumende Kuti iZadzise Zvayakanzi iite Mushure meSarudzo dza2018


Mukuru wechikwata che EU changa chiri muZimbabwe, VaElmar Brok anemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa
Mukuru wechikwata che EU changa chiri muZimbabwe, VaElmar Brok anemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa

Chikwata cheEuropean Union chinongorora sarudzo, cheElection Follow-up Mission, (EFM), icho changa chiri muZimbabwe kuti chione kana zvakakomekedzwa neElection Observation Mission (EOM) kuti hurumende iite mushure mesarudzo dzemuna 2018, chaita musangano nevatori venhau chichidzokorora kurudziro yacho kuhurumende yekuti izadzise zvakakomekedzwa sarudzo dziri kuuya muna 2023 dzisati dzasvika.

Chikwata ichi nemusi weChina chakasangana negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFredrick Shava mushure mekusanganawo nevemasangano akazvimirira nemusi weChitatu.

Mukuru wechikwata ichi, VaElma Brok, vaudza vatori venhau kuti VaShava vakavimbisa kuti hurumende yavo iri kuita zvose kuona kuti sarudzo dzegore rinouya dzaitwa zvakajeka uye zvisina kugunun’una kwemamwe mapoka.

Chikwata ichi chakasanganawo nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Manangagwa.

Hurumende yakakomekedzwa kuti ivandudze zvinhu zvinosanganisira kuona kuti mhirizhonga yezvematongerwo enyika yamiswa, Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, yaita basa rayo yakazvimirira zvisina kupindira kwehurumende, vatori venhau vashanda vakasununguka uye kuti mapato ose awane mikana yakaenzana mukutsvaga rutsigiro.

Zvimwe zvinonzi zvakakomekedzwa neEU inyaya yekuti madzishe vasapindira munyaya dzezvematongerwo enyika.

Studio 7 haina kukwanisa kubata VaShava kuti tinzwewo divi rehurumende panyaya iyi.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinoongorora sarudzo munyika, reElection Resource Centre, VaSolomon Bobosibunu vanoti chinhu chakanaka chose kuti pawanikwe masangano anobva kunze anokurudzira kuti Zimbabwe igadzirise zvinhu sarudzo dzisati dzaitwa.

Asi VaBobosibunu vanoti nekuda kwemamiriro akaita zvinhu, havaoni hurumende ichigadzirisa zvose zvakanzi iite mukati menguva yasara sarudzo dzisati dzashevedzerwa muZimbabwe.

Hurukuro naVaSolomon Bobosibunu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG