Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Chakashaya muTsaona yeMumugwagwa kuTexas, Muzvare Melisa Mapa, Votarisira Kuradzikwa neChishanu


Chizvarwa cheZimbabwean Muzvare Mellisa Mapa vakashaya mutsaona yakakonzerwa nemutyairi aitiza mapurisa kuTexas.

Mhuri yechizvarwa cheZimbabwe chakashaya mutsaona yemumugwagwa mudunhu reTexas muAmerica, Muzvare Melisa Mapa, iri kuita munamato wekunyaradzana nhasi Chitatu manheru kwakare kuTexas.

Muzvare Mapa, avo vakashaya svondo rapera musi wa 11 Chivabvu, vakaroverwa motokari yavaityaira neimwe motokari yaive nemutyairi aitiza mapurisa kuFort Worth kware kuTexas vatove pedyo nepamba pavo vachibva kubasa.

Mutauriri wemhuri, VaVez Nkomo, vanoti kushaya kwaMuzvare Mapa kwakarwadza mhuri pamwe nezvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvaivaziva sezvo aive musikana aizivikanwa nenyaya dzekuda kuenda mberi nechikoro.

Panguva yavakashaya Muzvare Mapa vanonzi vakanga vave kuzonotanga zvidzidzo zvavo zvedhigirii ravo retatu.

Muzvare Mapa vakashaya vave nemakore makumi maviri nemanomwe ekuberekwa. Vari kutarisirwa kuradzikwa nemusi weChishanu ku Emerald Hill Memorial Park iri kuKennedale, kwakare ku Texas.

Vanoda kubatsira kana kubata vemhuri yekwaMapa vanogona kuita izvi kuburikidza nekubata VaNkomo panhamba dzenharembozha dzinoti +18179370150 vachishandisa chero Whatsapp, kana kushandisa email inoti veznkomo@gmail.com.

Hurukuro naVaVez Nkomo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG