Kurwisana pakati peRussia neUkraine kuri kuenderera mberi Russia ichiti mauto eUkraine mazana mapfumbamwe ange asara chirwisa panzvimbo yeAzovstal steel plant akanda zvombo pasi.
Asi Ukraine inoti mauto mazana maviri nemakumi matanhatu ndivo vakanda zvombo pasi. Izvi zvave kureva kuti Russia yakwanisa kutora dunhu reMariupol.
Vanhu zviuru makumi maviri vanonzi vakafa mudunhu iri. Zvichakadaro, vamiriri veFinland neSweden vaendesa magwaro ekuti nyika idzi dzave kuda kuve nhengo dzegungano reNATO rine nyika dzekuEurope dzakawanda pamwe neAmerica.
Izvi zviri kuitika kunyangwe Russia yambenge yayambira nyika idzi kuti kuita izvi kuzvisikira moto muziso.
Hondo yekurwiswa kweRussia ne Ukraine yapa kuti zvinhu zvitadze kugadzikana munyika dzakawanda kusanganisira muZimbabwe iyo yagara ichitatarika munyaya dzezvehupfumi.
Nyanzvi inowona nezve nyaya dzematongerwo enyika nezvemabhizimusi Muzvinafundo Elliot Masocha vanodzidzisa paDevry University kuOhio muno muAmerica vanoti nyika dzizhinji dziri kuwuwira munyaya dzekushaikwa kwegorosi nezvimwewo pamusoro pehondo iyi.
Facebook Forum