Accessibility links

Breaking News

Vanochera Goridhe ku Mash. West Vobatwa neChirwere cheMalaria


Vanhu vanosvika mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nevatanhatu kana kuti 296 vobatwa nechirwere cheMalaria muvhiki rimwechete mudunhu reMashonaland West.


Mukuru anoona nezvezvirwere zvinotapuriranwa mudunhu reMashonaland West Dr George Kambondo vanoti paita dambudziko reMalaria munzvimbo dzinocherwa goridhe dzePatchway, Battlefields neDonaini dziri mumatunhu madiki anopisisa zvakanyanya anoti Kadoma, Sanyati neMhondoro-Ngezi.

VaKambondo vanoti vazhinji vevanhu vakabatwa nechirwere ichi vanhu vanochera goridhe zvisiri pamutemo kana kuti makorokoza.

VaKambondo vanoti tsvakiridzo yavakaita inoratidza kuti makorokoza anoenda kunochera goridhe manheru vakawanda vavo vasina kupfeka hembe dzinofukidza muviri wese.

Dr Kambondo vanoti vari kuita chirongwa chekufamba vachiongorora kuti munhu ane hutachiona hweMalaria here uye vose vanowanikwa vainahwo vanobva vabayiwa. Vanoti vari kuvapawo maneti asingapinde humhutu hunokonzera malaria munzvimbo dzose dzinocherwa goridhe mudunhu.

Mumwe wechidiki anochera goridhe zvisiri pamutemo anoda kuzivikanwa nezita rekuti Dhivha anoti kurumwa nehumhutu hunokonzera malaria injodzi yebasa rake sezvo mabasa ose anenjodzi yawo.

Sachigaro weboka remadzimai anoita zvekuchera zvicherwa, Muzvare Chiedza Chipangura, vanoti zvinorwadza kuti makorokoza ari kutambudzwa nemalaria chirwere chinogona kudziviririka vanhu vakaita hutsanana hwekucheka huswa pedyo nemakomba avanenge vachichera goridhe. Mukutanga kwemwedzi uno, vanhu vaviri vakafa kuFilabusi neBulilima Matabeleland South.

Bazi reWorld Health Organisation-WHO-rinoti vanhu vanodarika mazana mashanu ezviuru vanofa nechirwere chemalaria pagore. Bazi rezvehutano rinoti radzikisa huwandu hwevanhu vanofa nechirwere ichiu munyika nezvikamu makumi manomwe kuba muzana.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG