Accessibility links

Breaking News

Kushanya kweKimberley Process Kuzoongorora Nyaya yeMangoda Kwotambirwa Zvakasiyana


Chikwata cheKimberley Process Certification Scheme (kpcs) chinoona nezvekutengeswa kwemangoda pasi rose chiri kushanya munyika chiri kutambirwa zvakasiayana nemasangano akazvimirira oga.

Mamwe anoti ari kufara kuti ari kupihwa mukana wekutaura pfungwa dzavo asi vamwe vanoti havasi kukokwa kumisangano iri kuitwa.

Mamwe masangano kazvimirira anoti haana kuwaniswa mukana wekutaura pfungwa dzawo kuchikwata chinoona nezvekutengeswa kwemangoda zvakajeka cheKimberley Process Certification Scheme (KPCS) icho chiri kushanya munyika asi mamwewo achiti akataura nhunha dzawo kuchikwata ichi.

Chikwata ichi chakasvika munyika kutanga kwesvondo rino chakauya kuzoongorora kuti Zimbabwe iri kutevedza gwara here pakuchera nekutengesa mangoda uye chiri kuita misangano nehurumende, makambani anochera mangoda, masangano anoshanda akazvimirira uye vanhu vanogara munharaunda dzine mangoda.

Nhasi chikwata ichi change chakatarisirwa kusangano nemutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa asi musangano uyu hauna kuzoitwa.

Nezuro chikwata ichi chakasangana nemasangano anoshanda akazvimirira nemakambani anochera mangoda kudunhu reManicaland.

Mukuru wesangano reCentre for Research and Development, VaJames Mpfumi, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo dzimwe nhengo dzesangano ravo dzakapinda mumusangano wanezuro kwaMarange, hadzina kupihwa mukana wekutaura.

Vati nhengo dzesangano ravo nemamwe masangano aivepo vakarambidzwa kutaura vachinzi vaizotaura zvisizvo nekudaro vakazotaurirwa nevamwe.

Kunyange hazvo veKPCS vari kusanganawo nevanhu vari munharaunda dzine mangoda, mukuru wesangano rePlatform for Youth and Community Development, VaClaris Madhuku, avo vanoshandira kuChipinge uko kuri kurongwa kucherwa maDiamond nekambani yeAlrosa yekuRussia, vaudza Studio 7 kuti havana kukokwa kumusangano wekuManicaland nezuro.

Asi sachigaro wesangano reMarange Development, VaMalvern Mudiwa, vaudza Studio 7 kuti musangano wanezuro wakafamba zvakanaka uye vakataura zvese zvavanoda kuti zvigadziriswe pakucherwa nekutengeswa kwemangoda munyika.

VaMudiwa vaudza Studio 7 kuti vakaudza chikwata cheKPCS kuti kunyange hazvo hukama hwavo nehurumende nemakambani ari kuchera mangoda kwaMarange hwaive husina kunaka kare zvinhu zvave nani pari zvino.

Vatiwo vakatobvumirana nehurumende nemakambani kuti vagari vemunharaunda vanofanirawo kupihwa nzvimbo dzekuchera mangoda.

Vaenderera mberi vachiti vakaudzawo KPCS kuti kucherwa kwemangoda kunofanira kuitwa pachena vakati vanofara kuti kambani yehurumende iri kuchera mangoda kwaMarange yeZimbabwe Consolidated Diamond Company yave kujekesa mashandiro ayo vachiti chasara kuti kambani yeAnjin yezvizvarwa zvekuChina ibudewo pachena pamashandiro ayo.

VaMudiwa vatiwo vamirira kuti hurumende ishandure mutemo wezvezvicherwa kuti zvimwe zvakabvumiranwa nehurumende zviiswe mumutemo kuti zvikwanise kutevedzwa. VaMudiwa vati ZCDC neAnjin dzainge dzakamirirwawo pamusangano wanezuro.

Hatina kukwanisa kutaura nemukuru weZCDC, VaMark Mabhudhu kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi. Hatinawo kukwanisa kunzwa kubva kuAnjin.

Hatinawo kukwanisa kunzwa divi regurukota rezvezvicherwa panyaya iyi, VaWinston Chitando, sezvo vange vasiri kudaira nharemhozha yavo.

Chikwata cheKPCS icho chiri kutungamirwa naVaCecil Khosa vekuSouth Africa chine dzimwe nhengo dzemuZimbabwe kubva kubazi rezvezvicherwa nemasangano eZimbabwe Environmental Law Association neCentre for Natural Resource Governance.

Chikwata ichi chinotaririsirwa kutaura nevatori venhau pachichpedza rwendo rwacho mukupera kwesvondo.

Mangoda ekwaMarange akamutsa mutauro kwenguva yakareba kuchinzi kwaityorwa kodzero dzevanhu uyewo achinzi aitengeswa zvisina kujeka asingabatsiri vazhinji munzvimbi iyi nenyika yese

. Zimbabwe ndiyo mutevedzeri wasachigaro weKimberly Process Certification Scheme uye iri kutarisirwa kutora chigaro chasachigaro gore rinouya.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG