Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Chitatu, Chivabvu, 18, 2022


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vanosvika mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nevatanhatu kana
kuti 296 vakabatwa nechirwere cheMalaria muvhiki rimwechete mudunhu
reMashonaland West.

Chirwere chemombe cheFoot and Mouth chakatanga kupararira kuMatobo neBulilima chinonzi chapararirawo kuGwanda neBeitbridge.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvisina magwaro zviri kugara zvisiri pamutemo kunzvimbo dzinoti Plastic View neCemetery View dziri kunze kwe Pretoria muSouth Africa zvinonzi zvatarisana nekudzoserwa kumusha panguva iyo vagari venzvimbo idzi vave kutsvagirwa kumwe kwekuenda.

Mapurisa oburitsa mazita evanhu vose vanomwe vakafa kumugodhi weBucks, Colleen Bawn, Gwanda.

Muchirongwa chedu cheDiaspora Forum na8 pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yekubvumidzwa kwezvizvarwa zveZimbabwe kuti zvibvumidzwe kutenga zvimwe zvinhu zvekudya mushure mekusamira zvakanaka kwaita zvinhu munyaya dzezvehupumi munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG