Accessibility links

Breaking News

RBZ Yorova Nhendeshure Ichiti Mabhanga Atangezve Kukweretesa Mari


VaMthuli Ncube VaGeorge Guvamatanga naVaJohn Mangudya
VaMthuli Ncube VaGeorge Guvamatanga naVaJohn Mangudya

Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe –RBZ-radududza pamutemo wekuti mabhanga asape vanhu zvikwereti.

Mumashoko kuvatori venhau nhasi, gavhuna weRBZ VaJohn Mangudya vati pamusoro pechiziviso chavakambenge vazivisa kumabhanga munyika svondo rapera, vabvisa mutemo wekuti mabhanga amire kukweretesa vanhu nemakambani mari.

Asi VaMangudya vati makambani ari kuferefetwa nebazi reFinancial Intelligent Unit-FIU-kuti aishandisa mari nemazvo here havasi kubvumirwa kukwereta mari.

VaMangudya havana kudoma makambani ari kuferefetwa panyaya iyi izvo zvakonzeresa mutauro munyika kuti sei asiri kudomwa nemazita.

Hatina kunzwa kuna VaMangudya kuti sei makambani aya asiri kudomwa nemazita sezvo vanga vasingadaire nharembozha yavo.

Asi nhengo yebazi reRBZ reMonetary Policy Committee VaPersistence Gwanyanya vanoti maziti evanhu nemakambani anoburitswa chete kana kuferefetwa kwapera.

VaGwanyanya vanoti pamhosva dzekusafambisa mari nemazvo dzakadai kakawanda vanhu vanobhadhariswa mari yakawanda.

Nyanzvi munyaya dzezvemabhanga, vachishanda neGIMRI Finance, VaGilbert Muponda, vanoti RBZ yakakurumidza kumedza kutsenga ichada kumisa mabhanga kukweretesa mari.

VaMuponda vanoti RBZ ingadai yakatevera makambani ayiri kufungidzira kuti haasi kushandisa mari dzezvikwereti zvisiri izvo kwete kungoranga nevasina mhosva. Vati zvakaitwa neRBZ zvinoratidza kusarongeka.

Izvi zvatsigirwa nevasarudzwa kuve mutevedzeri wemunyori mukuru muMDC-T vari nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaTapiwa Mashakada.

VaMashakada vanoti zvose izvi zviri kukonzerwa nekushaya chivimbo nemari yemunyika.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakatura matanho ekuvandudza hupfumi anosanganisira kurambidza mabhanga kukweretesa makambani nevanhu mari svondo rapera danho risina kugamuchirwa nevakawanda munyika.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG