Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeZvehupfumi neVashandi Vopokana neHurumende Pakuti Vashandi Vanoda Kusvika Chidimbu cheMiriyoni Vakapinda Mabasa muMakore Mana


NSSA
NSSA

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi pamwe nevashandi vari kupokana nehurumende pamusoro pemashoko ayo ekuti yakakwanisa kuita kuti makambani akazvimirira akwanise kupinza vashandi vanoda kusvika zviuru mazana mashanu mabasa mukati memakore mana kubva muna 2018.

Hurumende iri kuzviridzira mabhosvo ichizvirovera mupururu kuti yakakwanisa kuita kuti munyika muwanikwe mabasa anoda kusvika chidimbu chemiriyoni mukati memakore mana kubva muna 2018 kusvika pari nhasi.

Izvi zvinotevera mafigiri akaburitswa neNational Social Security Authority, NSSA, ayo anoratidza kuti vashandi vatsva zviuru mazana mana nemakumi manomwe nezvipfumbamwe zvine mazana manomwe nevapfumbamwe, 479 709, vakanyoresa kuNSSA kuti vange vachibatirwa mari dzemudyandigere. Mapoka anoti rezvekurima neremigodhi ndiwo anonzi ane vashandi vakawanda vakanyoresa kuzvirongwa zvemudyandigere.

Nyanzvi mune zvehupfumi uye vakambotungamira sangano re Confederation of Zimbabwe Industries, CZI, VaCallisto Jokonya vanoti zvinogona kudaro kuti vashandi vane huwandu uhwu vakapinda mabasa mukati memakore ari kutaurwa aya, zvikuru mumapoka ezvekurima nezvemigodhi ayo vanoti ndiwo ari kunyanya kukura munyika.

Asi munyori mukuru wesangano guru revashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti huwandu hwakaziviswa neNSSA uhwu hahurevi kuti vashandi ava vakanga vachangobva kupinda mabasa panguva yavakanyoresa ne NSSA.

Mashoko aVaMoyo anotsigirwa neimwe nyanzvi mune zvehupfumi vari mutevedzeri wemunyori mukuru mubato reMDC-T inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, VaTapiwa Mashakada, avo vanoti huwandu hwevashandi vatsva vanopinda mabasa hahubvi kuNSSA.

VaMashakada vanoti makambani ave kusungwa nemutemo kana akasanyoresa vashandi wawo kuNSSA kuti vange vachibatirwa mari dzemudyandigere.

Studio 7 haina kukwanisa kubata gurukota rezvemabasa nevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima, asi vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti dai pasina denda reCovid-19 ravanoti rakadzosera zvinhu mumashure vashandi vatsva vakapinda mabasa vangadai vakarika huwandu huri kutaurwa uhwu.

Hatina kukwanisawo kubata hofisi yeZimbabwe National Statistics Agency, iyo inonzi ndiyo inofanirwa kunge ichiburitsa huwandu hwevashandi vangadai vakapinda mabasa nguva iri kutaurwa iyi.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG