Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFrederick Shava varamba kuti Zimbabwe yainge ichichengeta Protais Mpiranya uyo aidiwa nemhosva dzekutungamira kupondwa kwevanhu vanodarika zviuru mazana masere kana kuti 800, 000 muna 1994 kuRwanda.
Hurumende yeAmerica yainge yati anenge apa humbowo hwekuti ari kupi aizopihwa mari inosvika mamiriyoni mashanu ekuAmerica kana kuti US$5 million. Vachuchusi veUnited Nations vaitungamira kutsvagwa kwake vanoti Mpiranya akafa muna 2006 akavigwa muHarare.
VaShava vaudza Studio 7 kuti Zimbabwe yakashanda neUnited Nations kumufukunura kuti anoonekwe nenyanzvi kuti ndiye here zvakazopa kuti azivikanwe kuti ndiye.
Vatiwo hurumende yapihwa gwaro reongororo yeUnited Nations uye yatanga kuita ongororo yekuona kuti chii chakaitika kuti Mpiranya agare munyika achitsvagwa kwemakore.
Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaKennedy Masiye vanoti havatenderani nemashoko aVaShava ekuti hurumende yaisaziva kwaive naMpiranya.
Mpiranya anofungidzirwa kuti ainge ave nemakore makumi mashanu anonzi ndiye akatungamira mauto ekudivi remutungamiri wenyika raaitungamira kuponda vanhu zvakasiya vanhu zviuru mazana masere 800, 000 vafa.
Mauto aya akatungamira kupodwa kwevanhu verudzi rwechiTutsi muhondo nevechiHutu.
Mpiranya anonzi ndiye akati mutungamiri wehurumende yenyika iyi Agathe Uwilingiyimana, apondwe pamwe nemauto gumi ekuBelgium aimuchengetedza uye mhuri dzavo pamwe nevamwe vezvematongerwo enyika
Facebook Forum