Vechidiki vanobva kumapato ezvematongerwo enyika pamwe nemasangano akasiyanasiyana vari kusangana muHarare kumusangano wevechidiki wemazuva matatu uri kukokerwa neZimbabwe Electoral Commission, ZEC.
Musangano uyu, uyo wakatanga neChishanu, unonzi wakanangana nekupa vechidiki mukana wekupana ruzivo mumafambisirwo esarudzo, uye kukwezva vechidiki kuti vapindewo munyaya dzesarudzo.
ZEC, mapato ezvematongerwo enyika pamwe nemasangano akazvimirira akasiyanasiyana vagara vachikurudzira vanhu, zvikuru vechidiki, kuti vange vaine chekuita nenyaya dzesarudzo.
Mukuru wesangano revechidiki, rePlatform for Youth and Community Development, VaClaris Madhuku, vanoti uyu musangano wakakosha zvikuru waitwa neZEC zvikuru nekuti chakanangana nevechidiki.
VaMdhuku vanoti nhoroondo yeZimbabwe yagara inoratidza kuti vechidiki vakawanda havadi kupinda munyaya dzesarudzo, asi vanoti mazuva matatu chete ari kuitwa musangano uyu inguva diki kwazvo kuti vechidiki vange vanzwisisa pamusoro pekukosha kwekupinda mune zvesarudzo.
Facebook Forum