Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheNgezi Platinum Chinopa Murairidzi Wacho Mwaruwaru Kukunda kwePiri Kubva Zvaapinda paNyanga


Chikwata cheNgezi Platinum Stars, icho chave kurairidzwa naBenjani Mwaruwari
Chikwata cheNgezi Platinum Stars, icho chave kurairidzwa naBenjani Mwaruwari

Chikwata cheNgezi Platinum Stars chapa Benjani Mwaruwari kukunda kwake kwechipiri kubvira atambidzwa basa rehurairidzi.

Ngezi Platinum Stars yadambura Tenax 4-0 muBaobab Stadium nhasi masikati ndokupa Mwaruwari kukunda kwake kwepiri kubvira zuva iro akapinzwa basa.

Izvi zviri kureva kuti Mwaruwari akunda mumitambo miviri, ndokuita mangange mumitambo miviri, nekurohwa mumutambo mumwechete, pamitambo mishanu yaashanda kuNgezi.

Asi kukunda uku kwakwidza Ngezi Platinum nhanho imwechete chete pamusoro petafura yePSL kusvika pachinzvimbo chechishanu yakaenzana pamapoinzi makumi maviri nemana neManica Diamonds.

Asi Ngezi yaenda pamusoro peManica Diamonds nezvibodzwa, zvina zvacho zvabuda mumutambo wanhasi.

Asi Manica Diamonds ine mukana wekusvetuka Ngezi Platinum sezvo ine mutambo mangwana neBlack Rhinos muSakubva Stadium.

FC Platinum ndiyo yave pachinzvimbo chechitatu nemapoinzi makumi maviri nemashanu mushure mekurova Yadah 2-0 nezuro.

Kunyange yarohwa nhasi, Tenax yaramba iri pachinzvimbo chegumi neshanu zvichitevera kurohwa kwaitwa ZPC Kariba 3-0 neBulawayo City nhasi masikati zvekare.

Mune mumwe mutambo nhasi Herentals yaita mangange 1-1 neBulawayo Chiefs.

Murairidzi weHerentals Kumbirai Mutiwekuziva anoti mangange mumutambo wavatanga kunwiswa achavabatsira mumitambo inotevera.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG