Accessibility links

Breaking News

Kudhura kweMasaisai Kwotadzisa Vagari vekuMashonaland West Kuwana Mashoko muNzvimbo dzeRuzivo Dziri muNharaunda Dzavo


Nzvimbo dzeruzivo nemashoko idzi dzinonzi dziri munyika yese.
Nzvimbo dzeruzivo nemashoko idzi dzinonzi dziri munyika yese.

Vamwe vagari vekwaZvimba neMhangura vanoti vari kutadza kuwana mashoko neruzivo munzvimbo dzakavhurwa nehurumende makore mashanu adarika kana kuti Community Information Centres nekuda kwekunetsa kwemasaisai uye kudhura kwemari dzekutenga masaisai aya.

Vagari ava vanoti vaifunga kuti nhamo yavo yekushaya masaisai anoita kuti vashandise madandemutande akasiyana yainge yapera nekuvhurwa kwenzvimbo dzainge dziine michina kana kuti Information centres mumatunhu avo.

Asi vanoti vari kutadza kushandisa nzvimbo idzi sezvo dzisina michina yechizvinozvino, kushaya masaisai kana kuti network uye kudhura.

Mumwe mugari wekwaMurombedzi uko kwakavhurwa nzvimbo iyi muna2016, VaGift Svosve, vanoti nzvimbo iyi yakamira kushanda muna 2019 vachiti hapana masaisai.

Mumwe mugari wekuMhangura VaNelson Phiri vanoti kunyange masaisai achimbowanikwa anononoka kushandisa uye hakuna michina yechizvinozvino yekushandisa.

Mumwe mwana wechikoro paMhangura High School uyo ati anoda kuzivikanwa nezita rekuti Rugare, anoti mari inobhadhariswa inove dhora rimwechete kwe awa rimwechete yakawandisa sezvo vasina kwavanoiwana.

Rugare anoti anenge achida kuita tsvakurudzo yezvidzidzo zvavanopihwa kuchikoro asi nekuda kwekudhura uku anotadza kupedza kuita zvose.

Mukuru webazi rinopa masaisai nekuvaka nzvimbo idzi pamwe nekutenga michina yekushandisa munzvimbo idzi rePOTRAZ, VaGift Machengete, vanobvuma kuti dzimwe nzvimbo hadzina michina yechizvinozvino sezvo michina yakatanga iripo isisashande munzvimbo dzinosanganisira Murombedzi.

Patavabvunza kuti sei vari kutora nguva yakareba vasati vatenga michini iyi, VaMachengete vanoti vari kuita dambudziko rekushaya mari yekunze yekutenga michini iyi.

Sachigaro vesangano rinoongorora nezvekufambiswa kwemashoko munyika reMISA-Zimbabwe, VaGolden Maunganidze, vanoti danho rekuisa ma Information Centre munzvimbo dzakasarira rakanaka zvikuru vakakurudzura vose vane chekuita nezvekufambiswa kwemashoko kuti vaite zvavanogona kuti mashoko asvike kuvanhu vakawanda kusanganisira vekumaruwa.

POTRAZ inoti kusvika pari zvino pave nenzvimbo dzekuwanira mashoko kana kuti information centres dzinosvika zana nemakumi manomwe neimwechete kana kuti 171 munyika yose uye vari kutarisira kuisa dzimwe makumi matatu neshanu gore rino.

Nyaya yekumaruwa ina Nunurai Jena
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG