Accessibility links

Breaking News

United Nations Inoti Zimbabwe Yaichengeta Mpiranya Aitsvagwa kweMakore neKutungamira Kupondwa kweVanhu kuRwanda


Protais Mpiranya
Protais Mpiranya

United Nations inoti Protais Mpiranya uyo ange achitsvagwa nemhosva dzekuponda vanhu muRwanda muna 1994 ainge akahwanda muZimbabwe nguva yose iyi achinzi aitodyidzana nehurumende.

Mpiranye ndiye munhu aidiwa kusungwa kudarika vamwe vose muAfrica yose nenyaya yemhosva dzaaipomerwa.

Asi hurumende yeZimbabwe yange ichiramba kuti ari munyika. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekuchengetedzwa kwenyika Amai Oppah Muchinguri kuti tinzwe divi rehurumende.

United Nations yakasimbaradza kumutsvaga mushure mekusungwa kweaibatsira nemari vaiponda vanhu muRwanda, Felicien Kabuga ainge ari kuFrance.

United Nations kuburikidza nesangano reMechanism of International Criminal Tribunals inoti Mpiranya ainge ari muHarare umo akazobatwa nechirwere cherurindi kana kuti TB muna 2006 ndokufa gore rimwe chete iroro.

Protais Mpiranya
Protais Mpiranya

Mhuri yake yakayedza kuvanza nezverufu rwake kusanganisirawo kunyora zita risiri iro paguva rake kuGranville muHarare.

Mpiranya ainge ave nemakore makumi mashanu ekuberekwa anonzi ndiye akatungamira mauto ekudivi remutungamiri wenyika kana kuti Presidential Guard raaitungamira kuponda vanhu zvakasiya vanhu zviuru mazana masere kana kuti 800,000 vafa.

Mauto aya akatungamira kupodwa kwevanhu verudzi rwechiTutsi nevamwe vechiHutu mukurwisana kwemarudzi. Mpiranya anonzi ndiye akati mutungamiri wehurumende yenyika iyi Amai Agathe Uwilingiyimana, vapondwe pamwe nemauto gumi ekuBelgium aiva chengetedza.

madehenya evamwe vakapondwa kuRwanda ari mukereke yeRoman Catholic, Ntarama, Rwanda, April 5, 2019.
madehenya evamwe vakapondwa kuRwanda ari mukereke yeRoman Catholic, Ntarama, Rwanda, April 5, 2019.

Izvi zvakaitika muna Kubvumbi zuva rimwe chete ndege yainge yakatakura mutungamiri wenyika iyi mushakabvu Juvenal Habyarimana isati yadonhedzwa nezvombo zvehondo. United Nations inoti pahondo yemuDRC, Mpiranya akarwa achibatsira mauto emunyika iyi airwisana nevainge vapandukira hurumende iyi vachitsigirwa nemauto eRwanda. Zimbabwe yaibatsira DRC muhondo iyi ichitsigirwawo neAngola nedzimwe nyika/

Mpiranya anonzi akamboenda kuZimbabwe senhumwa yeDemocratic Forces for the Liberation of Rwanda (FDLR) yaive nevaive mauto vechiHutu vaipomerwa mhosva dzekuponda vanhu uye kuba zviwanikwa kuDRC. FDLR yaipikisa hurumende yeRwanda.

Vachuchusi veUnited Nations vakatanga kutsvaga Mpiranya muna 2002 zvakapa kuti abve atizira kuHarare achishandisa zita remadunhurirwa.

Mudzimai nevana vake vanonzi vaive kuBritain. United Nations inoti mumazuva ake ekupedzisira aigara akabatira hana mumaoko achitya kubatwa nekutongerwa mhosva dzekuponda.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG