Accessibility links

Breaking News

Mitemo yaVaMnangagwa Yotanga Kukanganisa Makambani Akaita seDairiboard neTongaat Hullet


President Emmerson Mnangagwa at Zimbabwe International Trade Fair 2022
President Emmerson Mnangagwa at Zimbabwe International Trade Fair 2022

Matanho ekudzikamisa hupfumi akatorwa nehurumende svondo rapera kuyedza kugadzirisa hupfumi anonzi atanga kuvhiringa mashandiro emakambani uye mamwe makambani akaita seDairiboard azivisa kuti ambomira kupavanhu goho pamari dzavakasima mukambani iyi.

Makambani akawanda munyika atanga kutora matanho ekuzvichengetedza kubva kumatanho atarorwa nehurumende anonzi ndeekudzikamisa hupfumi asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzichiti matanho aya ari kupa kuti hupfumi hunange kumawere.

Muchiziviso chayo kumusika weZimbabwe Stock Exchange, Dairiboard iyo yange yakaronga kupa goho kana kuti Dividend kuvanhu kana makambani akasima mari dzavo mukambani iyi kutanga neChishanu yazivisa yambomira kuita izvi nekuda kwemutemo wakadzikwa nehurumende svondo rino.

Bhodhi rekambani iyi rati rawona zvakakodzera kumbomira kubhadhara goho kuvanhu vakasima mari dzavo mukambani iyi senzira yekuchetengedza mari yekuti kambani iyi irambe ichiita basa.

Kambani inotenga shuga yeTongaat Hulett, yakazivisawo kuti yambomira kubhadhara varimi mari yenzimbe kana shuga yavo isati yatengeswa kana kuAdvance Payment pachirungu zvichitevera matanho akatorwa nehurumende.

Muchiziviso kuvarimi nemusi weChina, mumwe mukuru wekambani iyi, VaJames Bowmaker, vati mari dzavaishandisa kubhadhara varimi dzaibva kuzvikwereti uye kumiswa kukwereta kwavakaitwa nherumende kwavasiya vasina rimwe zano kunze kwekumira kubhadhara varimi.

Zvinhu zvinonziwo hazvina kumira zvakanaka pamusika wekutengeserana weZimbabwe Stock Exchange kubva pakaturwa matanho aya nemutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

VaKudzie Gerede vanoti zvinhu zvamira manyamamire nerongo uye neChitatu vakarasikirwa nezvikamu gumi nezviviri kubva muzana pamari yavakasima pamusika weZSE.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumukuru weZSE VaJustin Bgoni sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Zvichakai kambani yekuSouth Africa yeGCR inoti njodzi yekuita bhizimisi nemabhanga muZimbabwe yawedzera kubva pachikamu chimwe chete kusvika pachikamu 0.75 nekuda kwematanho akatorwa nehurumende.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda nesangano Labour, Economic, Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vaudza Studio 7 kuti zvave kuitwa nemakambani ndozvinoitika kana hurumende ichigadzira matanho isina kugara pasi nevamakambani, vashandai nevanhu vakasiyana siyana.

Vati zvakakosha kuti hurumende iremekedze magungano akaita seTripartite Negotiating Forum-TNF. ayo vati anofanira kugadzirisa zvinenge zvichinetsa munyika.

TNF igungano rinosanganisira hurumende, mabhizimisi, vashandi nevashandirwi rakaumbwa kuti rizeye nekugadzirisa zvinge zvichinetsa munyika.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Manyanya, vatiwo kana hurumende ikasadzora tsvimbo panyaya iyi vanhu nemakambani akawanda vachabvisa mari yavo munyika vachinoisima kune dzimwe nyika.

Vatiwo havaoni vekunze vachiuuya kuzosima mari munyika iyo vasingazive kuti remangwana rinenge rakamira sei.

Mapato anopikisa, vemabhizimisi pamwe neveruzhinji vari kuchema kutu matanho aVaMnangagwa anonzi “Measures to Restore Confidence, Preserve Value and Restore Macroeconomic Stability” ari kutovaomesera zvakanyanya pachinhambo chekugadzirira zvinhu.

VaMnangagwa vakatora matanho aya vachiti pane nhunzvatunzva dzaironga kubvisa hurumende yavo pachigaro dzichishandisa vemabhizimisi.

Hurumende inoti matanho aya achabviswa kana zvinhu zvichinge zvadzikana asi haina kutaura kuti inotarisira kuti izvi zvichaitika rini.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG