Accessibility links

Breaking News

Danho reHurumende reKuda Kuwedzera Kupa Madzishe Zvemahara Roonekwa seHuwori Hwekuda Kutenga Mavhoti


Mukuru wemadzishe munyika, Ishe Fortune Charumbira.
Mukuru wemadzishe munyika, Ishe Fortune Charumbira.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vari kushoropodza danho rakavimbiswa nehurumende rekuda kuwedzera rubatsiro rwunopiwa kumadzishe vachiti hazvina kusiyana nekutenga mavhoti pamberi pesarudzo dzegore rinouya.

Vanhu ava vanoti pane zvakawanda zvinoda kugadziriswa nekukasika munyika zvinokunda kupa madzishe zvemahara zvose izvi.

Izvi zvinotevera kuziviswa kwakaitwa svondo rino nemutevedzeri wegurukota rezvekutongwa kwematunhu, Amai Marian Chombo, kuti hurumende ichapa madzishe mari dzekubatsirikana dziri mumadhora ekuAmerica, mafuta edzimotokari, mari dzekufonesa, kugadzirisirwa kwedzimotokari dzavo kana dzafa nehurumende uye kutengerwa dzimwe motokari itsva mushure memakore mashanu oga oga.

Pamusoro pezvo madzishe ose anenge orapwa pasi pechirongwa chehurumende.

Madzishe agara achipiwa motokari nehurumende uye mafuta edzimotokari pamwe nekuisirwa magetsi mudzimba, asi izvi zvinombomira kuitwa zvichizodzorwa zvakare kazhinji munguva iyo nyika inenge yatarisana nesarudzo.

Mumwe wevari kupokana nedanho iri, VaRejoice Ngwenya, vanoti madzishe anorarama nevanhu, muvanhu, nekudaro hurumende haifanirwi kupindira nekuti mukupedzisira ichada kuti vaite zvido zvavo ivo votadza kuramba nekuti vanenge vakasungwa maoko nezvinhu zvavari kutambiriswa izvi.

VaNgwenya vanoti kunyange hazvo hurongwa uhwu hwanga hwakanaka, nguva yahwaitwa ndiyo yakaipa, izvo zvinobva zvaita kuti chiitiko chacho chinziwo chakaipa.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachitungamira bato re Democratic Party, VaUrayayi Zembe vanoti zviri pachena kuti matanho aya akanangana neketenga mavhoti, vachiti hazvina kusiyana nekuisa mbwirembwire mumukanwa memadzishe.

VaZembe vanotiwo izvi zvinogona kuita kuti madzishe akundikane kugarisana nevanopikisa hurumende nekutya kutorerwa zvinhu izvi.

Asi vamwe vanotsigira hurongwa uhwu vanoti hapana chakaipa kuti hurumende ichengete madzishe, vachiti hazvina kusiyana nekuti mwana achengete mubereki wake.

Muna 2021 Zimbabwe yaive nemadzishe mazana maviri nemakumi masere nevatanhatu, kana kuti 286.

Hurukuro naVaUrayayi Zembe pamwe naVaRejoice Ngwenya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG