Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, China, Chivabvu, 12, 2022 


Shona Headlines
Shona Headlines

Nhengo yeZanu-PF VaSybeth Musengezi vakasungwa vachipomerwa mhosva yekunyoresa kero isiri iyo pakhadi reZanu-PF vomiswa pamberi pedare muHarare nhasi. VaMusengezi vakaendesawo vakuru vebato iri kumatare vachiti mutungamiri waro VaEmmerson Mnangagwa havana kutora chigaro pachitevedzerwa mutemo webato pakabviswa pachigaro nemauto mushakabvu VaRobert Mugabe.

Matanho ekudzikamisa hupfumi akatorwa nehurumende svondo rino atanga kuvhiringa mashandiro emamwe makambani uye mamwe akaita seDairiboard azivisa kuti ambomira kupa vanhu goho pamari dzavakasima mukambani iyi.

Bazi rezvehutano rinoti kwafa vana vanosvika gumi nevanomwe pari zvino nechirwere chegwirikwiti kwaMutasa, kuManicalaland.

Vezvematongerwo enyika vozeya matanho anonzi ari kuda kutorwa nehurumende ekupa madzishe mari dzekubatsirikana dziri mumadhora ekuAmerica, mafuta edzimotokari, mari dzekufonesa, kugadzirisirwa motokari dzafa nehurumende uye kutengerwa dzimwe motokari itsva mushure memakore mashanu oga oga pamberi pemamwe matambudziko akatarisana nenyika.

Muchirongwa chedu cheWomen’s Round Table na8 pm nhasi, tiri kutarisa zviri kuitwa nemadzimai kusimudzirana munyaya dzezvehupfumi nemagariro.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG