Accessibility links

Breaking News

Vanopikisa Voshora Matanho aVaMnangagwa eZveHupfumi Vachiti Vakawanda Vachatsenga  Mhandire neMavende


Muzvare Fadzayi Mahere

Mapato anopikisa nemasangano anoshanda akazvimirira anoti hapana chinhu chinofanira kutsamwisa vana veZimbabwe kudarika matanho akatorwa nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, neReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) anosanganisira kurambidza mabhanga kukweretesa makambani nevanhu mari.

Vamwe vanopikisa vati matanho aya haasi pamutemo uye anofanira kurambwa neveruzhinji.

Vachitaura nevatori venhau muHarare nhasi, mutauriri webato reCitizens Coaliition for Change (CCC), Advocate Fadzai Mahere, vati matanho aVaMnangagwa neRBZ ari kunze kwemutemo uye anofanira kurambwa zvachose.

Vati matanho aya anokanganisa mabhimisi munyika uye anopesana nedonzvo reVaMnangagwa rekuti Zimbabwe Is Open for Business vachiti matanho aya anotovharadzira nekuvharira vekunze kuti vasauye kuzotanga mabhizisimi muno.

Advocate Mahere vati pane matanho akawanda avachatora anosanganisira kuenda kumatare.

Vati munhu wese haasi kufara nematanho aya uye vati vanotarisa kuti pachava nekubatana kwevemabhizimisi neveruzhinji kuti matanho awa asendekwe.

Vatiwo pane vamwe vari kuedza kutaura nemukuru weRBZ, Doctor John Mangudya nezvenyaya iyi.

Mutauriri webato reMDC-T inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, VaWitness Dube, vaudza Studio 7 kuti matanho aVaMnangagwa neRBZ haana zvaanobatsira uye vati hurumende iri kuramba kutambira kuti vanhu havachadi dhora reZimbabwe.

Vati makambani emuno anoda mari kubva kumabhangi kuti akwanise kugadzira zvinhu zvekutengesa kunze kuti nyika iwane mari yekunze.

Sachigaro wesangano Crisis in Zimbabwe Coalition, VaPeter Mutasa, vanoti vanonyunyuta zvikuru muti matanho aya ari kungotorwa pasina kutaurirana uye anorwadzisa mushandi nevaye vanotambura.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaSimon Hove, vanoti matanho akatorwa nemutungamiriri wenyika akaitwa pasina kunatso fungisisa uye pasingashandiswe ruzivo rwezvekuti mabhizimisi anofamba sei.

VaHove vatiwo kuwedzera muripo pakushandiswa kwemari yekunze kwakitwa neRBZ kunotoita kuti mabhizimisi nemhu wese munyika vaende kumusika mutema.

Imwewo nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Manyanya vaudza Studio 7 kuti nyaya yekuwondomoka kuri kuita hupfumi hwenyika, yave kuda kuti hurumende iterere masangano emabhizimisi nevashandi kuvatsvange nzira dzekugadzirisa dambudziko iri.

Vanotiwo huwori hunofanira kumiswa nechimbi chimbi.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuZanu PF mafungiro ayo pamusoro pematanho akatorwa nehurumende aya.

Asi vachitaura pamusangano wevechidiki vebato ravo svondo rapfuura, mutungamiriri webato iri zvekare vari mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakavimbisa kutora matanho ekuranga nhunzvatunzva dzavakati dzaironga kupidigura hurumende yavo dzishishandisa vemabhizimisi.

VaMnangagwa vanoti pane vemabhizimisi vari kuita kuti hupfumi hurambe huchadonhad nekutora mari kuRBZ vachinotenga mari yekunze pamukoto.

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG