Zvizvarwa zveZimbabwe gumi nechimwe zviri kuita zvidzidzo zvehumhizha nehumhetura kana kuti Science Technology, Engineering neMaths (STEM) zvinobva muzvikoro zvakasiyana siyana munyika zvinoti zvirikurafa nekuwana mukana wekunge zviri mumakwikwi epasi rose eRegeneron International Science and Engineering Fair ari kuitirwa kuAtlanta Georgia muAmerica.
Mutungamiri wesangano reZim Science Fair VaKnowledge Chikundi avo vari kutungamira vadzidzi kumakwikwi akatanga neMuvhuro achipera neChishanu vanoti vane tarisiro yekuti Zimbabwe ichabudirira mumakwikwi aya.
VaChikundi vanoti pane nyika makumi matanhatu nenhatu (63) dziri kukwikwidza. Vadzidzi vari mumakwikwi aya vakabva kuzvikoro zvinoti Peterhouse Girls, St Georges College, Queen Elizabeth Girls High, ZRP High School, Oakwood Academy ne Dominican Convent Harare.
"Tiri kutarisira kuti vadzidzi vedu veku Zimbabwe vachakunda sezvo vakashanda nesimba kuti vakwanise kupinda mumakwikwi aya,” vaudza Studio 7.
Vaenderera mberi vachiti. “Tinotenda vabereki nezvikoro zvakakwanisa kubatsira vadzidzi ava kuti vakwanise kuuya kumakwikwi aya.”
Facebook Forum