Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau dzanhasi, Chitatu, Chivabvu,11, 2022


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Nhengo yeZanu-PF yakaendesa mutungamiri webato iri VaEmmerson Mnangagwa kumatare ichiti havana kutevedzera bumbiro remutemo webato pavakatora chigaro chekutungamira, VaSybeth Musengezi vave kutarisirwa kumiswa pamberi pedare mangwana magweta avo achiti bato riri kutonga rave kushandisa mapurisa kumbunyikidza kodzero dzavo. VaMusengezi vari kupomerwa mhosva yekutora kadhi rebato reZanu-PF zvisiri pamutemo.

Mapato anopikisa nemasangano anoshanda akazvimirira anoti hapana chinhu chinofanira kutsamwisa vana veZimbabwe kudarika matanho akatorwa nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, neReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) anosanganisira kurambidza mabanga kukweretesa makmbani nevanhu mari vachiti matanho aya haasi pamutemo uye anofanira kurambwa zvachose.

Makurukota ezve kurima, enyika gumi nenhahatu dziri mu SADC anoita musangano nemusi wCchishanu ku Lilongwe, kuMalawi nechinangwa chekuzeya mamiriro akaita gohwo munyika dziri mugungano iri.

Vagari vekwaMutare vonyunyuta nedanho rekanzuru yavo rekuda kupa rimwe basa rekutakura marara kumakambani akazvimirira oga sezvo iri kuti yaremerwa nemutoro.

Chizvarwa chekuZimbabwe, VaTafadzwa Chikoto, vanosarudzwa kuve meya wechitema wekutanga wekanzuru wedhorobha reCorby Town kuBritain.

Muchirongwa chedu cheDiaspora Forum na8 pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yekodzero dzevana veZimbabwe vari kunze kwenyika yekuvhota uye matambudziko kana mikana yavangawane nematanho akaturwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemusi weMugovera panyaya dzekufambiswa kwehupfumi hwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG